Kuti usarohwe nemheni

MHENI inogona kuitika zvichikonzerwa nesimba rakafanana neremagetsi iro rinoitika mudenga munenge makakwidibirwa nemakore.
Zvakakosha kuziva:Hazvina kunaka kuti vanhu vamire-mire panze kana kuchinaya mvura inopeny’a nemabhanan’ana nekuti zvinova nyore kurohwa nemheni.
Kana mukange manzwa mipande kana kuti bhanan’ana, zvakakosha kutsvaga pekuhwanda mungava mumba kana mumotokari ine mahwindo akavharwa nedenga rerata.
Garai mudzimba kwemaminitsi makumi matatu mushure mekunzwa bhanan’ana rekupedzisira.
Kana muri mumba:

  • Garai kure nezvinhu zvakaita senharembozha, makombiyuta kana mimwe midziyo yemagetsi uye musaibate.
  • Garai kure nemahwindo kana musuwo.
  • Musarare pasi kana kuzembera chidziro.

Kana muri panze:

  • Kana uchinge wabatwa nemvura uri panze zvakakosha kuti uregedze kuenda panzvimbo dzakakwirira idzo dzinokusiya wave iwe chinhu chakareba dzakaita sepachuru, makomo nezvimwe.
  • Usarare pasi muvhu zvachose.
  • Usahwande pasi pemuti uri woga.
  • Usahwande pasi pedombo.
  • Usave pedyo nehova, nzizi kana dzimwe nzvimbo dzine mvura.

Gara kure nezvinhu zvinobata magetsi sewaya, tambo dzemagetsi nezvimwe. —www.lightningsafety.noaa.gov

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×