Akasiirwa nhaka yehun’anga

Muchaneta Chimuka

CHIREMBA wechivanhu aive nemukurumbira wekutengesa mishonga inosimbisa misana muguta reHarare — mushakabvu Mbuya Shorai Mugondachako avo vaizivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti “Mbuya Mukwapura” — vakasiira nhaka yebasa ravo iri kunasazita wavo.

Mbuya Mukwapura vakashaya munaKukadzi wegore rino uye vakasiira nhaka kune mwana wehanzvadzi yavo uyo wavaishanda naye.

“Basa iri tichangoritanga sezvo tainge takambomira tichichema Gogo Mukwapura nekuti rufu rwavo rwakatirwadza zvikuru. Vakashaya tisingazvifungiri mushure mekunge vachangobva kupurazi ravo riri kuMarondera vachidzimbikana nemabayo uye kuzarirwa.

“Hanzvadzi yavo yakabva yavaendesa kuchipatara chakazvimiririra chiri kuRuwa uko vakashaira,” anodaro Shorai Mugondachako Jnr.

Anoti agara ari munhu anosvikirwa neshave renjuzu sezvaingoita Mbuya Mukwapura.
“Zvekusvikirwa hazvisi zvitsva mudzinza redu nekuti tese takazvitora kubva kuna sekuru vedu baba vababa.

“Basa rakasiiwa naMbuya Mukwapura ticharisimudza sezvo iri nhaka yemusiidzanwa.

“Tinoziva zvinodiwa nemufi uye zvimwe tinotorotswa vachitsanangura zvavanoda kuti tiite, kana kumusha kuChipinge kwavaichera makwenzi taisienda tose vachiri mupenyu,” vanodaro.

Ellen Mazondo, anova mwana waMbuya Mukwapura, anotiwo semhuri, vachashanda pamwe naSekuru Mukwapura uye nevamwe vana mukusimudzira basa rakasiiwa naMbuya Mukwapura.

Mbuya Mukwapura vaive nemukurumbira wekutengesa mishonga inosimbisa misana uye kudzidzisa zvidavado zvepabonde panzvimbo yeCopacabana iri mukati meguta reHarare.

Related Posts

Makore mashanu mujeri nemhosva yokuba akapakata zvombo

Getrude Manyande MURUME ane makore 54 okuberekwa wekuBulawayo akatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu azere nemhosva yokuba akapakata zvombo pane imwe imba murukisheni rweMbundane, apo chirangio chakapiwa mwanakomana wake pamhosva yekugamuchira…

Dambudziko rekuitira tsvina pose-pose rakura muguta reHarare

Muchaneta Chimuka KANZURU yeHarare yoshorwa zvikuru panhau yekusiya vashandi vayo vachibhadharisa voruzhinji US50 cents pamunhu kuti ange achipinda muchimbuzi zvisinei nokuti nzvimbo idzi dzinofanira kunge dzichishandiswa pachena. Izvi zviri kuita…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×