‘Hatidi Covid muzvikoro’

Muchaneta Chimuka

VADZIDZI vemuzvikoro vari kukurudzirwa kuti vakoshese kutevedzera matanho akatarwa ekumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 sekupfeka mamasiki, kugeza maoko nemvura ine sipo kana kushandisa sanitiser uye nekusaita chitsokotsoko.

Kurudziro iri yakaitwa naJunior MP weSt Mary’s — Leeroy Ndambi, uyo anodzidza paZengeza 2 High, kuChitungwiza — pagungano rekudyarwa kwemiti yemichero rakaitwa nebazi revechidiki pachikoro chevakaremara cheSharon Cohen School, kuChitungwiza kwakare.

Pachikoro apa pakasimwa miti 50 nechinangwa chekusimudzira nyaya dzeutano hwevadzidzi.
Ndambi anoti vadzidzi vanofanirwa kutevedza matanho ekurwisa kupararira kweCovid-19 zvichitevera kunyuka kuri kuita chirwere ichi mune zvimwe zvikoro.

“Chirwere cheCovid-19 chiri kubatawo vana vechikoro kana tichitarisa nyaya dziri kubuda muongororo dziri kuitwa muzvikoro. Saka zvakakosha kuti titore matanho ose anodiwa mukuchirwisa sekugeza maoko nesipo nguva nenguva, kuregedza kuungana, kupfeka mamasiki akachena nemazvo uye kubaiwa majekiseni eCovid-19.

“Muzvikoro zvizhinji muchine dambudziko guru rekusatevedzwa kwematanho aya apo vamwe vana vechikoro vanotoswera vakarembedza mamasiki pazvirebvu, vasina hanya nekugeza maoko zvinova zvinoisa vadzidzi panyatwa yekutapurirana chirwere ichi,” anodaro.

Ndambi anoti sevamiriri vevechidiki mudare reParamende, vanofara zvikuru kutsigira vana vakaremara kuti vazowanawo chikafu chinovaka muviri kubva mumiti yemichero.

“Miti yakakosha zvikuru nekuti inotiwanisa mhepo yakanaka yekufema, kudya, kuti ivhu risakukurwe nyore uye inobatsira mukurwisa nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze. Miti upenyu,” anodaro
Vachitaurawo pagungano iri, Mai Memory Kanyati vanova Harare provincial manager kubazi revechidiki vanoti chirwere cheCovid-19 chinoda kudzivirirwa pakati pevechidiki sezvo vari ivo vatungamiriri vemangwana.

“Tinoramba tichirovedzera shoko rekuti vechidiki ngavaregere misikanzwa yekushaya hanya neupenyu hwavo, vapfeke mamasiki avo nekugeza maoko nguva nenguva.

“Zvinoda zvekare kuti vana muzvikoro vatsigirwewo nemamasiki uye kuwaniswa mvura yakakwana kuitira kuti nyaya dzeutano dzitevedzwe. Chikoro chino tachipa miti 50 tikasiya tadyara mimwe kuitira kuti nyaya dzeutano dzisimudzirwe,” vanodaro Mai Kanyati.

Vanoti vane zvirongwa zvekurimwa kwemiriwo uye matomatisi paUtano Community Hall, kuChitungwiza izvo zvinobatsira mukuderedza nzara nehurombo pakati pevechidiki.

Mukuru wechikoro ichi, Mai Baleka Kunyeda, vanoti vanofara zvikuru kuwaniswa rutsigiro urwu izvo zvichaita kuti chikoro chavo chiwane michero yakakosha kuutano hwevadzidzi.

Vamwe vakabatsira mukudyara miti iyi vanosanganisira bazi rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, mapurisa, nhengo dzeJunior Parliament uye vadzidzi vepachikoro ichi.

Related Posts

Makore mashanu mujeri nemhosva yokuba akapakata zvombo

Getrude Manyande MURUME ane makore 54 okuberekwa wekuBulawayo akatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu azere nemhosva yokuba akapakata zvombo pane imwe imba murukisheni rweMbundane, apo chirangio chakapiwa mwanakomana wake pamhosva yekugamuchira…

Dambudziko rekuitira tsvina pose-pose rakura muguta reHarare

Muchaneta Chimuka KANZURU yeHarare yoshorwa zvikuru panhau yekusiya vashandi vayo vachibhadharisa voruzhinji US50 cents pamunhu kuti ange achipinda muchimbuzi zvisinei nokuti nzvimbo idzi dzinofanira kunge dzichishandiswa pachena. Izvi zviri kuita…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×