Zim yateya South Africa

Abel Ndooka

CHIKWATA cheZimbabwe Cricket A chiri mushishi kuita gadziriro dzekusangana necheSouth Africa A mumitambo mina yeOne Day International nemiviri yeTest Match iyo ichatambirwa kuHarare Sports Club.

Mitambo iyi ichatambwa nemusi wa29 na31 Chivabvu uye 2 na4 Chikumi kozoti yeTest Match ichatanga musi wa7 Chikumi ichizopera musi wa10 Chikumi.

Mutambo wechipiri weTest Match uchatanga musi wa13 Chikumi uchizopera 16 Chikumi uye uchitambirwa kuTakashinga Sports Club.

Muchinyorwa chakabva kuZimbabwe Cricket, ZC Director of Cricket, Hamilton Masakadza, anoti mitambo yose iyi ichatambwa isina vatsigiri sezvo nyika ichiri pakati pekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Anoti ane mufaro mukuru kuti chikwata ichi chave kudzoka kuzotamba mutambo uyu sezvo zvichibatsira vatambi vazhinji kusimukira.

“Kukosha kweZimbabwe A hakufanirwe kutarisirwa pasi saka tinofara kuti vakomana vadzoka uye vave kutamba mutambo uyu.

“Kutamba cricket padanho iri kuchabatsira vatambi vedu kuwana mikana yakasiyana.
“Tinotenda zvikuru kuSouth Africa iyo yakabvuma kutumira chikwata chavo kunosangana nesu, isuwo tiri kutarisira mutambo wezvikwata zviviri izvi,” anodaro.

Chikwata cheZimbabwe A chakapedzisira kutamba cricket mugore ra2017 apo chakaenda kunosangana neUnited Arab Emirates kunyika iyi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×