Grade 7…Tsumo dzine hudzamu

Ticha Danga
SEMAVHAIRIRO anoita vaya vanoita chiRungu chekusvisvina, tinofanirwawo kumira nechiShona chedu tichichisvisvina nekuridigura hunzanzanza hwetsumo, madimikira kana nyaudzosingwi. Tinofanira kudada nemutauro wedu nekuti arimoo matsvigotsviriri muchiShona.

Izvi zvinogona kuitwa nevaya vanoziva zvinoreva tsumo idzodzo nekudaro ndinotora mukana uno kuti titsvage tsumo dzine hudzamu tigodzitsanangudza. Kutsanangudzwa kwetsumo idzi kunobatsira vana vechikoro kuti kana vonyora rondedzero dzavo, dzigokwezva goho repamusoro.

Zvinonzi navakuru, moyo washe here gudo kuchengeta nyimo. Iyi tsumo inoreva zvakasiyana asi zvichiburitsa hundyire apo munhu anoda kubatsira munhu asi iye aine chaanotarisira kuwana pamberi. Ndingatora muenzaniso werume ringada kubatsira shirikadzi munharaunda iro richida kuzotora mwanasikana weshirikadzi iyi. Zvinoreva zvakare kuti munhu anogona kuitira munhu mutsa achiziva hake kuti anozoda kumudyira pfuma yake.

Kune vamwe vanhu vane hutsinye zvekuti vakapara mhosva vanoda kudzinenera kune vatorwa kuti ivo vagosara vakachena nehama dzavo. Izvi vanozviita vachinyinda nechisimba vachinakurira vatorwa mhosva. Ndipo panopinda tsumo inoti, varikuno vanoshura vanoviga nherera mhenyu vachisiya muzvari afa.

Panomera muswe panonyeredza. Zvinoreva kuti matangiro anoita zvinhu haasi iwo maperero azvinogona kuita nguva dzose. Zvimwe zvinhu zvinogona kutanga zvichinakidza asi izvo zvichifurira nekunyengedza. Zvichinakidza kudaro zvinogona kuzodaidza matambudziko kumberi. Madzudzo anonyengera kuti uapare. Munhu munhu sekusikwa kwatakaitwa, nokudaro marwadzo anonzwikwa nemunhu wose zvisinei kuti hunhu hwemunhu hwakamira sei. Hazvinei kuti munhu akaipa sei kana kuti anotadza sei, pane zvimwe zvinhu zvaanoitawo kuti aratidze hunhu hwake sevamwe. Nokudaro munhu iyeye haafanirwi kuramba achibatwa semunhu asina maturo. Ndiko kusaka vakuru vachiti, muroyi munhu kubaiwa anochema.

Nhanga rekunzira ndimaparira ngozi. Zvinoreva kuti zvinhu zvemunhu zvakanaka zvikangobuda pachena chete ruvengo rwotuuya. Pfuma yemunhu ikangobuda pachena kuruzhinji vavengi vanobva vaburitsa ziso kana nembavha dzinenge dzoti hekanhi waro. Vanhu vanoshanda zvakaomarara kuti zvinhu zvavo zvibudirire havasi vega vanozodya mibairo yekushanda zvakaomarara uku. Kana simbe dzinotowanikwawo pakunodya apa, ndiko kusaka zvichinzi kuneta kwemukuyi sadza rinodyiwa nevagere.

Dzimwe nguva munhu anosvikirwa nedambudziko raanoshaya kuti oritatapura sei. Zvadai vana sorojena unonzwa voti, ava mangongomera mupasha wapfura musoro.

Mumba mega mega munozvarwa vana vane tsika dzakasiyana. Vamwe vacho vane hunhu hwakazhangandira koti vamwe ndivana chinyerere. Vana chinyerere ivavo vanowanzosangana nemakomborero nguva zhinji nekuda kwekuteramira kwavo. Ndiko kusaka vakuru vachiti chitanduro ndechina amai mugoti unopiwa anyerere.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×