Akauraya mwana, ndokuviga mutumbi mumugomo

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI anova shirikadzi anogara mubhuku raKajiwa, kwaDotito, kuMt Darwin akasungwa nemapurisa eko zvichitevera mhosva yaari kupomerwa yekuuraya kasvava achiita zvekukamonya mutsipa achangobva mukukabara.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Inspector Milton Mundembe, vanotsinhira nyaya iyi.

Vanoti Mebo Nyabusha (37), uyo akafirwa nemurume uye anogara nevana pamusha, anonzi akaita pamuviri nechikomba ndokutanga kuvigiridza mimba iyi kuhama dzemurume wake.

“Nyabusha semunhu asina murume, akatangawo kutsvaga vamwe vekudanana navo kusvikira akabata pamuviri apo akasunga kuti pasaonekwe ndokuzosununguka mwana ari oga,” vanodaro Insp Mundembe.

Vanoti vagari vemumusha uyu, kusanganisira hama dzemurume wake, vakatanga kunzwa runyerekupe kuti mudzimai uyu aive nepamuviri.

“Mushure mekunzwa nyaya iyi, muzukuru wepamusha pemurume wemudzimai uyu anonzi Donwell Mhindu (40) achigara mubhuku raChinyoka akazoenda kuna Mebo Nyabusha ndokumubvunza nezverunyerekup rwekuti aiva nepamuviri mudzimai uyu ndokuzviramba. Muzukuru uyu akazosiya atsvaga vasori munyaya iyi.

“Nemusi wa18 Kurume, mumwe wevasori ava akazoridzira muzukuru uyu nhare achimutaurira kuti ambuya vake vainge vasununguka mwana mukomana,” vanodaro Insp Mundembe.

Vanoti Donwell Mhindu akazobvakachira ambuya vake ava husiku achida kunobata chokwadi, ndokuvawana vagere pabhenji vari voga.

“Muzukuru uyu akavabvunza zvakare nezvenyaya iyi vachibva varamba, pakarepo kacheche aka kakabva katanga kuchema muimba yekurara yehuswa, muzukuru achibva aenda mumba umu ndokunovheneka nemwenje apo akaona mwana akaiswa mubhaketi raiva rakafukidzwa nebhachi. Mebo Nyabusha akazokumbira ruregerero kumuzukuru uyu kuti asazowana waanotaurira achiti aida kuuraya mwana uyu,” vanodaro Insp Mundembe.

Vanoti Mhindu akazotora mufananidzo mwana uyu ndokuyambira ambuya vake kuti vasauraye mwana uyu nekuti imhosva ndokuvaudza kuti aizoshandisa mufananidzo seumbowo kana vakamuuraya.

“Donwell Mhindu akazoenda kumba kwasabhuku wemumusha uyu, VaMuchanyara Sambara (66), kunovazivisa nezvenyaya iyi. Sabhuku vakazoenda kumba kwemudzimai uyu husiku ndokusvikowana atouraya mwana uyu uye akaisa mutumbi wacho mumugomo,” vanodaro Insp Mundembe.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekwaDotito, mutumbi wemwana uyu uchibva wazoendeswa kumochari yechipatara cheMt Darwin.

Nyabusha akabva asungwa nemhosva yekuponda iyo ari kupomerwa.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×