Tapiwa avigwa asina musoro nemaoko

Kingstone Mapupu
Mutumbi waTapiwa Makore Jnr mwanakomana wekupondwa gore rapera wavigwa nhasi mumusha waNyamutumbu, kudunhu raMambo Mangwende, kwaMurehwa.
Tapiwa Jnr akafa nekupondwa mutumbi wake ndokunhongwa wakadamburwa musoro, makumbo, mawoko nenhengo dzakavandika.
Panotova nevanhu vakatosungwa nenyaya iyi avo vanosanganisira babamukuru uye sazita wemwana uyu, Tapiwa Makore Snr nemufudzi wavo wemombe anonzi Tafadzwa Shamba.
Muzukuru mumhuri iyi, Malvin Makore (28), anoti mutumi waTapiwa Jnr wavigwa murunyararo “paine vanhu vashoma vanotenderwa nemutemo unofambirana nedenda reCovid-19.”
“Tapiwa tamuviga zvakanaka na2 masikati, asi mutumbi chete usina musoro uye hapana chanetsa,” anodaro.
Mutauriri wemhuri yekwaMakore, Mbuya Beaullah Musupai havana kukwanisa kubatika kuti vataure mafambiro aita basa rekuviga mutumbi wemwana uyu.

Gweta remhuri yekwaMakore, Mai Tabeth Chikeya-Mwayera vanotsinhira nezvekuvigwa kwemutumbi waTapiwa Jnr.
“Taviga mutumbi wemwana wedu zvakanaka tichitevedzera zvose zvinodiwa, tinotenda zvikuru vatitsigira,” vanodaro Mai Mwayera.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×