Akazvisungirira nechiwepu

Muhamed Komboni

MUKADZI anogara mubhuku rekwaChaire, kwaMambo Nyashanu, kuBuhera, akazoonekwa atova chando nemusi weMuvhuro wadarika apo akazvisungirira nechiwepu chekutyairisa mombe mushure mekunge apopotedzana nehanzvadzi yake.

Jane Sundirayi (35) anonzi akazvisungirira nechiwepu chaishandiswa nehanzvadzi yake, Tichatonga Sindirayi (40), kutyaira mombe mushure mekunge vatadza kuwirirana.

Mutauriri wemapurisa kuduhu reManicaland, Assistant Inspector Luxon Chananda, vanotsinhira nezvenyaya iyi.

Vanoti nemusi uyu, hanzvadzi yaJane, Tichatonga Sindirayi, airima pamusha pavo.

Baba vaJane, VaSamuel Sindirayi, vakabva vataurira mushakabvu kuti agadzirire hanzvadzi yake zvokudya.

Izvi zvinonzi zvakaita kuti pave nekusawirirana pakati paJane naTichatonga apo mushakabvu akatanga kupopotera hanzvadzi yake.

Baba vavo vanonzi vakazopomhodza bopopoto iri vachitsiura Jane kuti asiyane nekupopotera hanzvadzi yake.

Jane anonzi akabva agumbuka nekutsiurwa kwaainge aitwa zvikaita kuti asvike pakunotora chiwepu chaityairiswa mombe naTichatonga ndokuenda pabazi remuti achibva azvisungirira.

Mutumbi wake wakatozoonekwa nemumwe mukomana wechidiki uyo akazonoudza Tichatonga.

Tichatonga akazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa pakamba yeMuzokomba Police Station.

Insp Chananda vanokurudzira veruzhinji kuti vagadzirise nhau dzinenge dzichinetsa murunyararo kana kutsvaga vanachipangamazano kuti vavabatsire kwete kushandisa mhirizhonga.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *