Aldo ngaapihwewo mumwe mukana wekurwira mabhande aakatorerwa

JON Jones anofunga kuti Jose Aldo ane kodzero yekuti arwire mabhande ake aakatorerwa naConor McGregor apo chizvarwa chekuBrazil ichi chakakundwa mumasekonzi 13 mumutambo weUFC 194.

Aldo ange asina kumbokundwa mumakore 10 asati asangana naAldo svondo radarika, asi zvinorakidza kuti zvinogona kukona sezvo chizvarwa chekuNorthen Ireland, McGregor, ane vamwe vatambi vaari kutarisira kurwa navo.

Asi Jones, uyo aimbove UFC Light-heavyweight Champion anoti Aldo anofanirwa kurwa naMcGregor iye zvino kana UFC ichitendera Ronda Rousey kuti arwe zvekare naHolly Holm.

“Kana Rousey achipihwa mukana wekurwa zvakare naHolly ndinotarisirawo zvimwe zvakadaro zvichiitika kuna Aldo,” Jones akanyora paTwitter.

“Ndizvo chaizvo zvakanaka. Panguva ino tinoda kuona mutambo uyu uchireba. Unonakidza zvikuru.”

Rousey akarwira kuchengetedza mabhande ake katanhatu panguva yaaive shasha asati akundwa naHolm mwedzi wadarika apo akarohwa akaita chadzimira.

Asi mutambi uyu, uyo ane makore 28 okuberekwa, ndiye aive shasha yaipenya zvikuru muUFC paakakundwa uye nenguva idzo aimbokunda vamwe.

Aldo ndiye akatsiva Jones seshasha iri pamusoro pevamwe muUFC panguva iyo Jones akambomiswa kukwikwidza mumutambo uyu zvichitevera nyaya yakambonetsa yaaiongororwa apo paakatsika munhu akatiza.

Achipindura mibvunzo kubva kuvatsigiri vake padandemutande reTwitter, Jones, uyo asina kumbobvira avanza kusawirirana kuri pakati pake nevatungamiri neUFC, akabvuma kuti kushaiwa kukotsverwa kwakasimba ndiko kunogona kuwisira Aldo pasi.

“Hongu Aldo anotenderwa kuti arwe zvakare asi hamukwanise kutengesa mutambo makaisa chiso chake pamberi, rega tione kuti zvichagadziriswa sei,” akadaro.

“Ndinofunga kuti McGregor ange achiita zvinorova mumutambo wedu, uye pane vatambi vakawanda vanogona kudzidza kubva kwaari,” — Daily MailOnline.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×