‘Mimba handi yangu, hande kun’anga’

Cassius Mushore
VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe murume akaramba pamuviri pane mukadzi wake achiti akanobvunzira kun’anga ndokuudzwa kuti nhumbu iyi haizi yake.

Kumbulani Moyo akataura mashoko aya apo akaendesa mudzimai wake, Keresia Jacob, kuHarare Civil Court.

“Mukadzi uyu anondishungurudza changamire. Anondituka zvinyadzi, hapana kana nhengo yemuviri yandisina kufanananidzwa nayo.

“Pari zvino ane pamuviri, saka ini ndiri kuda kuti adzokere kumba kwavo nekuti handimude. Vabereki vake ndivo vakaita kuuya kuzomusiya kumba kwangu zvekundimanikidza kuti ndigare naye,” akadaro.

Akati vabereki vaJacob vanoda kuti abvise mari yedhemenji asi iye akadanana naye aine vana vake vaviri.

“Akauya kwandiri aine vana vake vaviri. Zvingaite here kuti ndobhadhara dhemenji ndisirini ndakamudhemenja?

“Takatombomutora nehama dzangu tichifamba kunobvunzira kun’anga kuti mimba yaakatakura ndeyangu here. Iye anotozviziva kuti haisi yangu, saka ndinokumbira kuti hama dzake dziuye kuzomutora,” akadaro.

Jacob akaudza dare kuti murume wake anoda kumudzinga pamba nenyaya yekuti ave nemimba.

“Murume wangu ari kuda kundidzinga pamba achida kuwana nzira yekuramba kuchengeta mimba yake.

“Ari kuda kuti ndinochengetesa mimba kune vanhu vekumba kwedu uye ini zvekumushungurudza handizvizive, manyepo,” akadaro.

Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa gwaro redziviriro kuna Moyo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×