Chikwata chichatora Mourinho chinenge chapinda : Mesut Ozil

MUTAMBI weArsenal, Mesut Ozil, anoti akashamisika zvikuru kunzwa kuti Jose Mourinho akadzingwa basa ndokuti chikwata chipi zvacho chichamupa basa chichabudirira zvikuru.

Mourinho akadzingwa basa neChelsea svondo radarika mushure mekunge papfura mwedzi minomwe ahwina mukombe wePremier League uye pane fungidziro yekuti Manchester United inogona kugadza shasha iyi pachigaro chinopisa sezvo Louis van Gaal ave pedyowo nekudzingwa basa.

Uye Ozil, uyo akadadisa kuReal Madrid achirairidzwa naMourinho kubva gore ra2010 kusvika 2013, anoti ichokwadi Mourinho ndiye ‘Special One’.

“Ndiri kushamisika zvikuru nezvakaitwa naJose,” akaudza The Times. “Murairidzi wepamusoro. Ndinoziva kuti kana paine chikwata chichamupa basa achahwina zvakawanda.

“Ndinoziva kuti murairidzi akakosha. Murairidzi anotsigira chikwata chake zvakasimba uye anochidzivirira kubva kune zvakawanda. Anogona kubatsira mutambi upi neupi kuti aburitse matarenda ake. Ndinomushuvira zvakawanda mune ramangwana uye hutano hwake hwakanaka,” akadaro.

Mourinho haasi kumbofunga zvekumira kurairidza nhabvu zvichitevera kubva kwaakaita kuChelsea.

Ozil ave kutanga kutamba nhabvu inodakadza kuArsenal seiyo yaaitamba kuReal Madrid.

Zvichitevera kutatarika kwaakamboita mwaka yake yekutanga auya kuNorth London, Ozil abatsira maGunners kufambira mberi mukusimukira kwawo palog uye vamwe vatambi kunwisa ka13.

Chizvarwa chekuGerman ichi, icho chakahwina mukombe weWorld Cup, anotamba nhabvu chaiyo iyo inodiwa naArsene Wenger uye akabuda pachena pamusoro pevatambi vaaiyemura mumutambo uyu.

“Ndaiyemura zvikuru Zinedine Zidane.

Ange asingaite zvinoshamisira munhabvu.

Akange asingade kushamisira asi aingotamba nhabvu inofadza ine hungwaru.

“Ndiye mutambi aihwinisa mitambo yakawanda. Ndinombotarisa hangu mamwe matambiro ake uye ndoedza kuzviita apo ndinenge ndichitamba, kazhinji kacho zvinoshanda,” akadaro Ozil. —Daily MailOnline

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×