‘Amai ndimi makadya baba’

Yvonne Chidochashe Manyanja
IMWE chembere yakagunun’una zvikuru mudare nekuda kwehunhu hwemwanasikana wayo ichiti anoipumha huroyi achiti ndiyo yakadya baba vake.

Achitaura muHarare Civil Court, Mildred Maripia akati Spiwe Maripia anogara achimutuka.

“Mwanasikana wangu uyu haaneyi neni, kana kuti ndiri amai vake. Anouya kumba okonzeresa bongozozo. Iye pamwe nemurume wake vanotoona sekunge tisiri vanhu. Hapana mari yakabviswa kana mombe yababa kana yaamai. Asi pane zvose izvi haanzwe kunyara achiuya kuzondituka.

“Mumwe musi akauya akamira pagedhi akanditukirira pamwe nevakoma vake, kunyanya Samuel, zvikaita kuti vavakidzani vedu vabude vachitarisa kuti chii chainge chava kuitika,” akadaro Mildred.

Mildred akaenderera mberi achiti Spiwe anomupomera kuti muroyi.“Akati ndiri muroyi uye ndini ndakadya baba vake vanove murume wangu akashaika. Akanditizve pfuma yese yamuinayo makaiwana nekushandisa juju. Ko ndakatadzei kudzidzisa vana vangu vanomwe nekushanda nemawoko angu? Kushanda nesimba ndiko kunganzi huroyi here?” akadaro.

Spiwe akaramba zvese zvakange zvataurwa achiti: “Pane zvataurwa hapana chokwadi asi sezvo vari kuda gwaro redziviriro handipokane nazvo, ngavapihwe nekuti handizivi musi wandakaita zvavari kutaura.”

Mutongi Gamuchirayi Siwardi akapa gwaro redziviriro kuna Mildred.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *