‘Ndakagurwa mazino nemurume’

Yvonne Chidochashe Manyanja
MUKADZI wekuti akarohwa zvekusvika pakubviswa mazino nemurume wake, uyo anomupomera kuita chipfambi, akatozosvika pakupotera kudare redzimhosva.

Jestina Muswere akaudza mutongi weHarare Civil Court, Marehwanazvo Gofa kuti haasisina rugare nekuda kwekushungurudzwa kwaari kuitwa naAgrippa Muswere.

“Ndinokumbirawo gwaro rinondidzivirira kubva kuna Agrippa. Anonditi ndiri hure, ndinodanana nasachigaro wepaHopley High School.

“Akambondipindira mumba mangu akandirova saka ndave kutotya. Paakandirova ipapo ndakatodonha mazino,” akadaro.

Achipawo divi rake, Agrippa akaramba kuti anoshungurudza Jestina ndokuti mudzimai uyu akasiyana naye nekuda kwekuti ipfambi yemakoko.

“Takarambana nemukadzi uyu nekuti ipfambi. Ari kuunza zvikomba pamba pangu. Mazino aanoti ndini ndakabubvisa ndakamuona akadaro, ave kuda kundinyepera.

“Mukadzi uyu tairara tose pandainge ndatambira mari, pasina izvi airamba. Saka gwaro redziviriro raari kukumbira ndezvekurwara.

“Iye zvino ndiri kutogara musango nekuda kwake. Ndakamboona chikomba chichibuda mumba maanorara iye Jestina akamonera gumbeze nekunyara,” akadaro Agrippa.

Mutongi Gofa akapa Jestina gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *