‘Ndinodashurwa nemudzimai’

Janet Chikotosa
MUMWE murume anoti akakandiswa mapfumo pasi neaimbova mudzimai wake uyo aigara achimuzvambaradza nekumutuka izvo zvakazoita kuti amutize achinotsvaga mumwe mukadzi.

Francis Gomba akamhan’arira Tsitsi Muridzi kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza kunyangwe vakarambana nekudaro anoda kudzivirirwa.

Gomba akati Muridzi anouya kubasa kwake achimufurufusha nekumutuka.

“Mukadzi uyu anouya kubasa achindituka pamberi pevamwe vandinoshanda navo. Anotumira mameseji achindituka nezvinonyadzisira pafoni pangu. Zvaanoita izvi zvinokonzera kuti tinetsane nemudzimai wangu mutsva.

“Mukadzi uyu ndakamutiza ndikanotanga humwe upenyu nenyaya yekundirova nekundituka kwaaiita.

“Ndinotoshaya kuti anondishungurudzira chii nokuti pakupera kwemwedzi woga-woga ndinomupa mari yekubhadhara paanogara, yekutenga chikafu nehembe dzevana. Akaenda kumusha akanotora vana kwavaidzidza kwandaikwanisa kuvabhadharira chikoro akauya navo kuHarare kuzogara navo asi haachavaendese kuchikoro,” akadaro Gomba.

Muridzi akati Gomba ainyepera dare.

“Murume uyu zvose zvaari kutaura manyepo nekuti anoda kuti dare rimupe gwaro raari kukumbira. Pane pakambotsva mwana nemvura ndikagara naye nguva refu muchipatara achiita sekunge asina baba. Pandakabuda muchipatara ndichienda kumba ndakazosvikoona asisipo, atakura nhumbi dzake dzose.

“Zvaari kutaura zvekuti ndakamutevera kubasa ndikamutuka hazvisirizvo, inini ndakazvigarira pamba ndichichengeta vana. Chandinongoda paari kuti atorese vana magwaro ekuberekwa nekuti vose vari vatatu hapana kana mumwe chete anaro,” akadaro Muridzi.

Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa Gomba gwaro redziviriro ndokuti vaviri ava vataurirane mune zvakanaka.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *