GORE rave kupera kudai, bato rinotonga reZanu-PF rakaita musangano waro kuVictoria Falls svondo rapfuura. Vamwe vakange vachiti kumakubu kasva, nokuti kwenguva yakati kuti mubato riri kutonga zvinoratidza kunge pasina kusanyatsobatana. Mutungamiri wenyika President Mugabe vakaramba vachikurudzira kubatana, kuita samajuru. Asi ruzhinji rwavanhu rwuri kuti hongu musangano wakaitwa, asi chiri pasi pomusuva wesadza chii?
Sei pari kuramba pachiita kunge vanhu vari kudhonzerana?
Kupindana kwamazuva here kuti vanhu vave kuita madiro aJojina, kana kuti mucherechedzo wokuti vanhu musangano wavo vanouda?
Musi wa22 Zvita nyika iri kupemberera chibvumirano chokubatana – Unity Accord. Asi, hazvizadze mukombe kuti vanhu vapemberere zuva iri paine makakatanwa, zvichiita kunge vasina basa nezvisungo zvakaitwa kuVictoria Falls svondo rapfuura.
Vamwe vanotiwo ngakudzokwe kumasvuuriro. Paita vaviri kana vatatu makakatanwa anotowanikwa chete, asi chinodiwa ndechokuti vanhu vakakavadzane vachiziva kuti vana vanyamunhu, igakava rokusimbisana, kwete kuparadza musangano unove hwaro hwenyika.
Kubva pakatangwa bato reNational Democratic Party kusvika pakuzopatsanurana kweZAPU neZANU, tinoona urubvu-rubvu hwamakakatanwa, vamwe vachiti tisu takakodzera, vamwewo vachiti haivhiiwi.
Chinoshamisa ndechokuti vakange vachirwisa muvengi, vaigona kukakavadzana, asi vaiziva kuti muvengi wavo ndiani, uyewo kuti vari kurwira rusununguko rwomunhu wese.
Dambudziko nderokuti dzimwe nguva vanhu havatori nguva yokuzeya kuti zviito zvavo zvinorevei, uyewo kuti zvinovhurira vavengi mukana sei.
Vavengi vawanda kupinda nguva yatanga kurwiwa kwehondo yeChimurenga kuma1970. Ikoku kukavadzana, kufungirana, kunyeyana, kusvorana zvakapa muvengi mukana.
Zinyeke-nyeke irori zvakare rakapa muvengi mukana wokushandisa vamwe vakafanana nanaThomas Nhari naDakari Badza. Vakanokorwa tsoka masikati machena, Chimurenga chikanokorwawo tsoka.
Munhoroondo yakanyorwa neaive mukuru weCentral Intelligence Organisation, muhurumende yaIan Smith, Ken Flower, anoti imwe nzira yavakatora kuda kuvhiringa Chimurenga ndeyokupinda muhurukuro navatungamiri ava kuitira kuti vaite mhirizhonga mumauto eZANLA.
Ken Flower, mubhuku rake “Serving Secretly” anoti mumazwi ake papeji 146: “By this time, CIO was in possession of Intelligence of vital significance concerning the numbers and deployment of ZANLA guerrillas operating within Rhodesia, their tactics and the availability of supplies. Acting upon this Intelligence, we had met some of ZANLA’s junior commanders in the field. From these meetings it was clear that there was dissension within their ranks which we could turn to our advantage.”
Iwoyu mukana ndiwo uri kupihwa vavengi nhasi uno navanhu vanoramba kufamba negwara remusangano, vanhu vanongoda kupandukira musangano.
Ken Flower anoenderera mberi achiti: “Among those contacted were Thomas Nhari, ZANLA commander of the Nehanda Sector, and Dakari Badza, commander of the Chaminuka Sector. At a meeting with them at Mukumbura on the Mozambique border our Special Branch representatives learnt that the guerrillas were suffering the effects of indifferent command and serious shortages of supplies caused by the lengthening of their lines of communication. In the light of such disaffection, it was easy for us to convince them of the injustice of their fight for survival in the bush while their leaders ‘relaxed in comparative luxury’ in Zambia and Tanzania . . .”
Vanoziva nhoroondo, vanoziva kuti kamoto kamberevere aka, kakazopisa matanda mberi “Nhari Rebellion” ikazvarwa. Kudzora ndangariro nemienzaniso inotaurwa navavengi kuti vanokushandisai pachenyu kuti mubatane pahuro, kunoitawo kuti vaone kuti gwara ravari kufamba riri kusvitsa munhu wese kupi, kwete Zanu-PF chete.
Chimwewo mukuziva gwara remusangano ndechokuti vanhu vatange zvakare kurapanura kuti sei bato rakanzi “Zimbabwe African National Union — Patriotic Front” (ZANU-PF).
Zvairevei panguva yarakaumbwa, uyewo zvinorevei nhasi uno nokuti izita rakasiyana zvikuru nanaMovement for Democratic Change; Mavambo/Khusile/Dawn; kana kuti People’s Democratic Party.
Pakanzwisisika ipapa, vanhu vanotsvagana vobatana, voumba chimwe chete seishwa.




