Amai vauraya mwanakomana (3) nekumubaya nebanga

Lovemore Kadzura

MUNYAYA inokatyamadza yakaitika mumusha weHobhouse, kwaMutare nomusi weChina svondo rino mangwanani, mumwe mudzimai anonzi akauraya mwanakomana wake ane makore matatu ekuberekwa nekumubaya nebanga.

Mapurisa anotsinhira nyaya yekusungwa kwaNetsai Chikuni (39), uyo ari kupomerwa mhosva yekuponda mwanakomana wake wekubereka, Ngonidzashe Njerera, apo akamubaya nebanga kakawanda mumusoro nekugotsi.

Chikuni, uyo anobva kwaMambo Garahwa kuChisumbanje, kuChipinge anonzi akatanga kurwisa mwana uyu mushure mekunge aona pamba pehanzvadzi yake, Admire Chilamwita, pakaiswa maroja iye asipo.

Vakaona zvichiitika vanoti maroja akaedza kununura mwana uyu asi zvakakona sezvo mudzimai uyu aishandisa chisimba, izvo zvairatidza kuti anogona kunge aishungurudzika zvikuru.

Anonzi akazozvibaya makumbo ose nemawoko nebanga mushure mezokupunzika padivi pemutumbi wemwanakomana wake.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka vanotsinhira nyaya iyi vachiti Chikuni airatidza kuti aivhiringika zvikuru panguva yaakarwisa mwanakomana wake.

Chikonzero chekuuraya mwana uyu chakanga chisati chanyatsojeka panguva yekuburitswa kwenyaya ino uye kuferefetwa kwayo kuri kuenderera mberi.

Chiitiko ichi chakasiya vagari vemumusha uyu vasina kana remukanwa.

“Nomusi wa19 Mbudzi, 2025, kuma6 zuva rodaka, Chikuni anonzi akauraya mwana wake mushure mekunge akashanyira hanzvadzi yake Admire Chilamwita paHouse Number 5064, kwaMushamukadzi, kuHobhouse. Hanzvadzi yaChikuni akanga asipo sezvo aive kuChipinge, pamba apa paiva naNgonidzashe Shava nemukoma wake, Isiah Chinyengetere.

“Chikuni akakumbira chitofu chegasi chekubikisa kubva kuna Shava kuti agadzirire kudya kwemanheru. Chikuni naNgonidzashe vakazopedza kubika chikafu chavo apo vaive muimba yekutandarira yakatarisana neimba yekurara yaShava. Kuma1 dzemangwanani, Chikuni akamuka akaenda kuimba yairara Shava ndokunogogodza zvine simba.

“Chinyengetere, akavhura musiwo, asi akatadza kutaura naye sezvo aive ari kushandisa chisimba, akabva akiya gonhi rake nemukati. Mushure memaminitsi angangoita mashanu, Shava akanzwa Chikuni achipopotera mwana wake achiti: ‘Idya chingwa ukuda kundiurayisa’. Shava akanzwa zvakare Chikuni achirova mwana wake asi haana kubuda nekuda kwekutya. Kwapera maawa anosvika maviri, Ngonidzashe akabva amira kuchema asi Chikuni akaramba achipopota. Kuma4, munyeveri akashevedza Chilamwita ndokuzivisa vamwe vavakidzani nezvenyaya yehumhondi hunotyisa uhu,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

“Mumwe muroja wepamba apa, Blessing Chinyama, akadongorera nepafafitera riya rakanga rapwanywa naChikuni, ndokuona Ngonidzashe akarara mudivi reropa. Shava akabva amhan’ara nyaya iyi kumapurisa.”

Vanoti mapurisa akazoshevedzwa achibva aona kuti Ngonidzashe aive nemaronda akawanda mumusoro nemuhuro, ukuwo Chikuni aine maronda pamakumbo nemumaoko.

Mumwe muroja wepamba apa, uyo akataura nebepanhau reThe Manica Post asi asina kuda kudomwa nezita, anoti nanhasi vari kushushikana zvikuru nechiitiko ichi.

Muroja uyu akadura kuti Chikuni airatidzika semunhu akabatwa nemweya wakaipa panguva yese iyi.

“Paakauya pano airatidza kuvhiringika, kupererwa nemweya wekufema, akapinda mumba nechisimba, takaedza kumurambidza tichida kuti titange tapihwa mvumo nemuridzi wemba tisati tamubvumira kuti apinde mumba, asi haana kuita hanya nesu, akabva apinda mumba achibva azogeza.

“Kuma 11 manheru, akatanga kuita ruzha, takamunzwa achirovera mwana wake kumadziro kusvika asisacheme, akamubaya nebanga mumusoro ropa rikabuda rikazara mumadziro nemidziyo yemumba yekubikira. Aiita zvechisimba zvekuti hapana aikwanisa kumumisa, aishevedzera kuti: ‘Makandiuraya, Ndakaurayiwa ma next door hamundionewo here vavakidzani.? Ndaka pambwa ndikaurayiwa hamundionewo here?’ Tiri kushamisika,” anodaro muroja uyu.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×