Amai vodzidzisa vanhu zveCovid

Tendai Rupapa ari kuMASVINGO

ZVIRONGWA zvekurwisa kupararira kweCovid-19 izvo zviri kuitwa nemudzimai wemutungamiriri wenyika First Lady Amai Auxillia Mnangagwa kumativi ose enyika zviri kubatsira zvikuru panguva iyo vanhu vari kuwanikwa vaine chirwere ichi vari kuwanda.

Amai Mnangagwa nesangano ravo reAngel of Hope Foundation vari kushanyira nharaunda dzekumaruwa nemumaguta vachidzidzisa pamusoro pekudzivirira Covid-19.

Apo vanenge vachishambadza mashoko edzidziso, vari kupa zvakare zvekushandisa zvinosanganisira masanitizer, mamasiki, magumbeze pamwe chete nechikafu kune vakwegura nevanotambudzika.

Nguva pfupi yadarika vakatangawo kushanyira nzvimbo dziri mumadhorobha uye kusvika pari zvino vabatsira muHarare, Mutare, Gweru neMasvingo.

Gurukota reHurumende rinomirira dunhu reMasvingo, Cde Ezra Chadzamira, vanotenda Amai Mnangagwa nebasa ravari kuita.

“First Lady vari kuita basa rakawanda uye rakakosha zvikuru munyika. Vakange vari kuno nguva pfupi yadarika uye vakapa matunhu ose ekumaruwa zvekushandisa muzvimbuzi nemidziyo yekuzvidzivira kuCovid-19.

“Vadzoka zvakare vachitipakurira ruzivo nekutipa chikafu. Kuburikidza nesangano ravo reAngel of Hope Foundation, vari kubatsira upenyu hwevanhu uye tinovatenda,” vanodaro.

Pastor Sithandazile Mhlanga vanokurudzirawo nyika kuti itarise kuna Mwari nekuda kweCovid-19 iyo yakonzera kudzikira kweupfumi pasi rose pamwe nekuuraya vanhu vakawandisa.

Kusvika nemusi weChina, vanhu 23 vange vafa nekuda kweCovid-19 muZimbabwe.

Vachiverenga bhaibheri kuna Ruka 18 vs 1, Pastor Mhlanga vanoti rubatsiro rwose rwunobva kuna Mwari uye vanorumbidza Amai Mnangagwa nekurudziro yavo yekuti nyika inamate.

“Panguva ino yeCovid-19, sevanhu vemuZimbabwe tinofanirwa kubatana uye totarisira kubva kuna Mwari nekuti rubatsiro rwedu rwunobva kudenga,” vanodaro.

Vachitaura apo vaiita hurukuro nevanhu vemazera akasiyana munhandare yeMasvingo Showgrounds, Amai Mnangagwa vanoti basa rekurwisa kupararira kweCovid-19 ndere munhu wose.

Vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzere matanho ose akananga kumisa kupararira kweCovid-19 avari kudzidziswa.

Amai Mnangagwa vanoshora zvikuru nyaya dzemhirizhonga, kunyanya kushungurudzwa kwevanhukadzi, idzo dziri kuitika kunharaunda dzakawanda dzenyika uye ndokukurudzira vanhu kuti vagare murunyararo nekutsvaga vayananisi pavanenge vatadza kunzwanana.

“SeMasvingo, munoti kudini nechirwere ichi? Makanzwa kutii nezvacho? Iyi haizi nyaya yangu ndoga uye ndinokukurudzirai kuti mubatane todzidzisana pamusoro pechirwere ichi,” vanodaro.

Vanotenda vavanoshanda navo musangano reAngel of Hope Foundation nekuda kwerutsigiro rwavo.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×