Ambuya vangu vangu vari kundikumbira: Mukuwasha… ‘Vanondipindira mubhedhuru’

Gibson Mhaka

MUNYAYA inoshamisa zvose nekunyadzisa, murume wekuBulawayo ari kuti anoitirwa mashura naamai vemudzimai wake, avo vanomupindira mubhedhuru make vachiti vanoda kuona kuti anogona zvakadii zvinoitwa muimba iyi.

Manfield Nhemachena anoti ari kunetseka zvakanyanya nemaitiro aamai vemudzimai wake, Tariro Nhemachena, avo vakapinda muimba yake yekurara nokumukumbira zvinyadzi.

Manfield akataura nyaya inonyadzisa iyi mudare reko apo mudzimai wake uyo waasiri kugara naye kubva paitika mashura aya akamumhan’arira achida gwaro rinomudzivirira kubva mukushungurudzwa nekurohwa.

“Musi wa17 November, murume wangu Manfield akauya kumba kwangu kuzosiya mwana. Pari zvino takaparadzana tichimirira kurambana zviri pamutemo zvichitevera zvakataurwa kudare kuti anofanira kusiya mwana kugedhi. Asi musi uyu ndakatuma munhu anotora mwana iye akaramba achiti aida kuuya naye oga kumba.

“Ndakazoshamisika pandakamuona atopinda mumba nemwana. Akabva ananga kuTV kunoibvisa pamagetsi achiti ane kodzero pamusoro payo sezvo tisati tarambana pamutemo. Akananga kuimba yangu yekurara ndokutora laptop yangu yaakanditengera tichiri tose.

“Pandakaedza kumumisa, akandisundira kumadziro zvine simba ndokundidzipa,” anodaro Tariro.

Mukuzvidzivirira, Tariro anoti akabata hembe yaManfield zvakazoita kuti idonhe mabhatani.

“Pandakachema ndipo paakatiza kuenda panze nelaptop, ini ndikamutevera nekuti laptop iyi ine zvinhu zvangu. Tabuda panze, akandidzipa zvekare, ndipo pandakadonha vavakidzani vakazouya kuzondinunura mushure mekunge ndachema ndichishevedzera. Ndakambonyarara kwechinguva, pandakapepuka ndakaona kuti ndakanga ndakuvara muviri wose,” anodaro Tariro.

Manfield anoti mai vemukadzi wake ndivo vane dambudziko rekuda bonde kwaari.

“Anoda kukanganisa zita rangu nekutaura manyepo. Akambonyepa kuti ndaida kubaya mwana wedu nebanga uye akambondimhan’arira kuJustice for Children achiti ndaba mwana. Makore mana apfuura aisanditendera kuona mwana.

“Amai vake ambuya vangu vaida kundishandisa. Vakandipindira mubedroom mangu vachiti vanoda kushinha neni. Mhuri yose inoziva nyaya iyi uye ndiyo yakaita kuti ndifunge zvekurambana nemwanasikana wavo,” anodaro Manfield.

Panyaya yeTV anoti, “Ndakamuti andipe imwe TV sezvo dziri mbiri kuitira kuti mwana akauya kuzondiona anoonawo TV. Iye akaramba zvikazoita kuti ndiitore nechitsimba. Panyaya yelaptop anonyepa, pandakaitora ndipo paakatanga kuzhamba kuchema achidaidzira.”

Tariro anozviramba achiti Manfield agara anonyepa.

“Anonyepa uyu. Akandimbunyikidza kwemakore akawanda ndikambogara muchipatara kwemavhiki maviri nechidimbu. Anonyadzisa, pakurambana kwatiri kuita ari kuda kuti chero maruva epatafura chaiwo nezvipunu tigovane zvakaenzana,” anodaro Tariro.

Mutongi akapa mutongo wekuti vaviri ava vasagare vachionana uye vakati vasaparadze midziyo vasati vapedza nyaya yekurambana kwavo pamutemo.

Mutongi anozoyambira Manfield kuti asarova kana kuvhundutsira Tariro.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×