Muteuro we’raki’ – Amai nemwana tasa

Nqobile Tshili ari kuBulawayo

AMAI nemwanasikana wavo vekuKensington Plots, chinhambwe chiduku kubva muguta reBulawayo, vakafa mushure mekunge vanwa muteuro wavakapihwa nemumwe muporofita weko vachinzi unodzinga munyama kana mamhepo.

Mumwe angadai akanwawo muteuro uyu kazukuru ako kakazonzi karegere kunwa bhodhoro rakainge kapihwawo.

Pane runyerekupe rwekuti mwanasikana uyu uyo anonzi ndiye akatsvaga muporofita uyu, ndokumuinga kubva kuSouth Africa aida kubatsirwa padambudziko rake rekusaroorwa.

Thokozani Ncube (51) naSithandazile Nyathi (30) vakafa kwangopera maminitsi mashoma-shoma vabva mukunwa muteuro wavakapihwa nemuporofita anonzi Brian Mpofu anogara kuCowdray Park, kwakare kuBulawayo.

Izvi zvakaitika mangwanani emusi weSvondo wadarika nenguva dza6:30 apo vaviri ava vakafa maminitsi gumi nemashanu mushure mekunwa uri kunzi muteuro uyu.

Mutauriri wemapurisa kuBulawayo, Chief Inspector Precious Simango, vanotsinhira nyaya iyi vachiti ichiri kuferefetwa.

“Hongu, kuna amai nemwanasikana wavo avo vakafa mushure mekunwa muchetura wemuteuro uyo wavakapihwa nemumwe muporofita. Pari zvino handina zvizhinji zvekutaura sezvo zvichigona kukanganisa kuferefetwa kuchiri kuitwa nyaya iyoyi.

“Zvisinei, takatosunga munhu ane chekuita nekufa kwevaviri ava,” vanodaro Chief Insp Simango.

Mumwe wemhuri yevashakabvu, Seyiso Ncube, anoti Sithandazile akanga achangobva kuDurban, kuSouth Africa, asi haazive kuti sei aida kubatsirwa nemuporofita uyu.

Zvisinei, pane mashoko anoti Sithandazile akatsvaga muporofita uyu mushure mekufungisisa kuti sei asiri kuroorwa.

Mukoma waamai vekushaika (Thokozani), Elizabeth Ncube, anoti mhuri yavo ingadai yakarasikirwa nevanhu vatatu apo mukomana mudiki ane makore 15 okuberekwa aifanirwawo kunwa muteuro wakazova chepfu uyu, asi muporofita uyu akazomurambidza.

“Takanga tisipo pakaitika izvi, asi takanzwa kuti vakaenda kunoona muporofita uyu kuCowdray Park nemusi weMugovera. Sithandazile ndiye akatsvaga kuti vanobatsirwa nemuporofita uyu uye akakumbira amai vake kuti vaende naye.

“Vakaenda ikoko nemuzukuru wedu ane makore 15 uyo akazotiudza zvose zvakanoitika ikoko.

“Anoti muporofita akavapa zvimwe zvinhu zvekuti vanzwe kuda kurutsa vose vari vatatu achiti izvi zvaidzinga mweya yetsvina pavari. Mushure peizvi, muporofita uyu anonzi akazovapa muteuro waisanganisira kadombo kerudzi rwe’blue’ (bluestone), gavakava nemaremani izvo akati vaizononwa vava kumba kwavo zuva raitevera vasati vadya chimwe chinhu,” anodaro Elizabeth.

Anoenderera mberi: “Vasati vanwa musanganiswa wemuteuro uyu, tinonzwa kuti muporofita akatumira mashoko panhare achivati vasape mukomana wavakanga vamboenda naye asi kuti vanofanira kupangurirana muteuro waaifanirwa kunwa, vonwa ivo vari vaviri.

“Vapedza kunwa, vakatanga kuti muteuro uyu wainge wovarwadza, kunyanya nemudumbu.”

Elizabeth anoti Nyathi akazokumbira kuti apihwe mugomo wekuti arutsire uye panguva iyi amai vake vakafunga kuti marwadzo aya ndiwo mashandiro anoita muteuro wacho, nekudaro havana kumbofunga kuti vazvirutsise.

“Mukomana uyu paakauya nebhaketi, S’tha (Sithandazile) akanga ava kutonetseka kufema nechekare zvikazoita kuti mukomana uyu adaidze sekuru vake vanova murume wasisi vangu vekushaika.

“Tinonzwa kuti murume wasisi vangu asati atanga kubatsira S’tha, vakaona kuti mudzimai wavo akanga asingadairi paakavamudaidza ari muimba yavo yekurara. Pavakazopindamo kuti vaone kuti zvakamira sei, ndipo pavakaona kuti vainge votopupa furo jena kumuromo nemumhino,” anodaro Elizabeth.

Anoti ndipo pavakaridzira nhare mukoti anogara munharaunda yavo uyo akaedza kubatsira asi vaviri ava vakanga vatofa nechekare.

Ncube anoti vakazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa, avo vakasvikotsinhira kuti vaviri ava vainge vatofa vasati vatakura mitumbi yavo kuenda nayo kumochari yeUnited Bulawayo Hospitals kuti inoongororwa chikonzero chekufa kwavo.

Zvichakadai, mhuri iyi iri kupemha rubatsiro rwekuti vaviri ava vakwanise kuvigwa.

“Hatingatauri kuti vari kuvigwa riinhi sezvo mapurisa achiri kuongorora nyaya iyi. Asi tiri kukumbirawo rubatsiro kuti tikwanise kuviga sisi vangu nemwana wavo,” anodaro Elizabeth.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×