AIMBOVE murairidzi weReal Madrid, Carlo Ancelotti, akabuda pachena kuti anoda kurairidza nhabvu muPremier League zvakare asati asiya zvekurairidza nhabvu zvachose.
Ancelotti, uyo ane makore 56 okuberekwa, akabva kuReal Madrid mwaka wadarika uye aifungidzirwa kuti ndiye achagadzwa panyanga kuLiverpool, basa iro rakazopihwa Jurgen Klopp svondo radarika.
Ancelotti akamborairidza Chelsea kwemakore maviri uye anoti ari kuzvipira kuti amborairidza nhabvu zvakare muEngland.
“Ndoda kudzokera kunorairidza muPremier League zvakare. Inzvimbo yakasununguka kuona kuchitambwa nhabvu inodakadza zvikuru.
“Unoshanda zvakanaka, uye uchizviisa panguva yakaoma nekuti unenge uchida kuhwina mitambo. Ndisati ndasiya zvenhabvu ndoda kumborairidza zvakare muEngland.
“Munguva inotevera ndinofanirwa kutanga zvekusiya basa, ndingati makore mashanu kana matanhatu anotevera. Pandakatanga kuReggiana, ndakazvivimbisa kuti ndichangoshanda kwemakore mashanu kana matanhatu chete. Izvi ndakazvivimbisa makore 25 adarika uye ndichiri kuda zvekushanda,” akadaro.
Kana paine chikwata chemuPremier League chingade kumugadza pachigaro chinopisa chichatombomira sezvo chizvarwa chekuItaly ichi chimbori pazororo chiri pamutambarakede nemhuri yacho, chichatanga kurairidza nhabvu gore rinotevera.
“Zororo rangu richambodhonza kusvika kupera kwegore rino. Ndozotanga zvakare.
“Ndichaendepi? Kwandinenge ndafonerwa, ndinoenda totaurirana toona kuti zvakamira sei ndofunga nezvazvo. Masvondo adarika ndaitya kuti zvimwe ndinogona kufonerwa, asi izvezvi ndave kuzvinzwa mandiri kuti ndinogona kudzoka mubasa manje-manje
“Ndomarongero andakazviita, hunge kana pasina chinenge chazoitika pakati apo. Ndakagadzirira kumutsa muchina kuti utange kufambisa basa muna Ndira,” akadaro. — Daily MailOnline.




