MaWarriors pamwe nemaMighty Warriors vakakurudzirwa

SANGANO reZimbabwe Football Association rakakurudzira zvikwata zvenhabvu zvenyika zvemaWarriors nemaMighty Warriors kuti zvifunge pamusoro pezvemitambo yazvo chete yesvondo rino kwete kukanganiswa nenyaya dziri kuitika kuZifa parizvino.

MaWarriors ari kutamba neLesotho svondo rino kuBabourfields kuBulawayo mumutambo wekurwira tikiti rekuenda kuAfrican Nations Championships (CHAN) kuRwanda gore rinotevera.

Nerimwewo divi, maMighty Warriors achasangana neCameroon kuRufaro Stadium muHarare mumutambo wekukwikwidza kuenda kumaOlympics kuBrazil gore rinouya.

Mumutambo wemaMighty Warriors wakatambirwa kuCameroon masvondo adarika, akakundwa 2-1 asi ane mukana mukuru wekubudirira kufambira mberi mumutambo uyu hunge akahwina 1-0 kana kuti 2-0.

Mukushi wemashoko weZifa, Xolisani Gwesela, anoti zvakakosha kuti zvikwata izvi zvifunge zvekutamba nhabvu chete svondo rino pane kuswera zvichitemeswa musoro nenyaya dziri kuitika kusangano iri.

Masvondo adarika, aimbove mukuru weZifa, Cuthbert Dube, akamiswa basa achipomerwa kutadza kutungamirira sangano iri.

“Zvikwata zvedu zviviri zvichatamba svondo rino zvinofanirwa kufunga nezvenhabvu chete kwete dzimwe nyaya dzisinei navo.

“Vanofanirwa kutamba nhabvu chete nekuti vose vane mukana wekufambira mberi mumutambo yavo saka ngavatambe bhora,” akadaro Gwesela.

Zvakadaro, Gwesela akakurudzira vatsigiri venhabvu kuti vauye vakawanda svondo rino musi weSvondo kuRufaro kuzotsigira maMighty Warriors.

“Tine chivimbo chikuru chekuti madzimai edu enhabvu achahwina svondo rino saka ngativatsigirei zvakasimba mumutambo wavo uyu.

“Nhabvu mutambo wemhuri yose uye vanhukadzi vakakosha mukurarama kwedu saka ngatibatanei tose tiende kuRufaro svondo rino kunovapa rutsigiro rwakazara apo vachapinda muhondo kurwira tikiti ravo rekuenda kunokwikwidza kumaOlympics,” akadaro Gwesela.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *