IMBWA HAIHUKURE SADZA: Zino irema rinodzurwa pamasowe

TIRI vanhu vanotya. Uye kutya kwedu kunotiita kuti titerere chero mamwe mazano anorera sederere. Tinotya zvinhu zvakawanda muupenyu. Tinotya kurwarirwa, tinotya kurwara. Tinotya kufa, tinotya kufirwa. Tinotya hurombo nekutambudzika zvekuti kana tikawana chero munhu angoti ndinogona kupedza nhamo dzako, tinomupa mari yose yatanga tasarirwa nayo, nekutopinda muzvikwereti.

Hatidi kutambudzika, zvekuti dai tirisu takazungurwa naSatani segorosi sezvakaitwa Peter, taimukumbira kuti tiite mombe dzake dzaanorova, kurimisa nekukama pamadiro.

Kutevera nekuterera vanhu vanorapa kunotyisa. Chikonzero ndechekuti hatizive muganhu wekuti tabatsirwa kana kuti tave kunamata munhu anobatsira iyeye.

Dambudziko riripo nderekuti tinogona kufara kuti dambudziko rangu rapera kana kuti ragadzirirswa, asi isu tisingatarise kuri kubva simba remunhu ari kutibatsira. Vanhu vazhinji vanoti kana vanyatsoomerwa neupenyu, vanosvika pakusarudza vega kuti kana zviri kuvanetsa zvichida kuti vaite sungano naSatani, ngazvive sekudaro, chero ivo vapora.

Kana tikange tichitya kurwadziwa nenyama, kutambudzwa nehurwere zvekusvika pakutiza zvipatara, tichinozvipinza mumawoko evanhu vatinotiitisa chero zvavanoda, tichine pfungwa here? Nekuti watinotya ndiye watinoterera.

MuBhaibheri, Ruka akanga ari chiremba, uye Jesu akataura kuti vanorwara vanotsvaga chiremba. Zvinoreva kuti Jehovha vane vanhu vavakati vadzidzire kurapa. Jehovha vakaramba zven’anga nemasvikiro, kana n’anga nemasvikiro zvakatsvaga nzira dzekusvika nadzo muvanhu dzichizviti “maporofita.”

Jehovha vakatirambidza kudya zvakabairwa zvifananidzo, asi isu tiri kuunganidza miteuro, nekudyiswa zvimwe zvinhu zvinotyisa zvatisingazive kwazvakabva.

Jehovha havana kutipa pfungwa kuti dzirege kushanda. Takasikwa nemufananidzo waMwari kuti tigone kuratidza Mwari kuti vakasika vanhu nenzira inoshamisa. Ngatisuduruke kubva muvanhu vanoporofita vachimhanya kuti ukurumidze kudaira kuti “Amen!” nyangwe iwe wanga uchida nguva nemukana wekufunga. Ngatirege kumanikidzwa nehurwere, hurombo, kushaya nekuda zvinhu kuti tibvume kubatsirwa naSatani.

Regai kumhanyira kunoporofitwa nevanhu vanoti vanhu vamwari imi mwari wavari kutaura musingamuzive. Tsvagai Mwari chaiye, mumuzive. Inzwai zvaanoda mushoko rake musati matsvaga vanhu vanoti vanomumiririra, asi vachizvimiririra nekumiririra mimwe mweya yenyika ino.

Mwari havatyise, havana manyemwe, havashamisire. Takazviona pavakasiya denga ravo vakave munhu anonzi Jesu panyika. Vakazvarwa nemusikana akanga asina mbiri. Vakazvarirwa mudanga rezvipfuyo. Vakanga vari muvezi. Vaifamba netsoka. Vaiwirirana nevanhu vasina kudzidza. Vakageza tsoka dzevanhu vaive pasi pavo. Vakanga vasingazvishambadze kuti ndinoporesa kana kuporofita. Nyangwe vakanga vari Mwari, havana kuda kuti vanhu vazive kuti ndiMwari.

Ngatifunge tishandise pfungwa dzatakapihwa naMwari. Ngatitye kupfugamira vanhu, asi tipfugamire Mwari. Ndivo vakati, “Usava nevamwe vamwari kunze kwangu. Usazviitire mufananidzo wakavezwa. Ungava wechinhu chiri kudenga kumusoro kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika. Usapfugamire izvozvo kana kuzvishandira.”

Kupfugamira zvinoreva kukudza nekupa mbiri, asi kana wakaverenga unoziva kuti “simba nembiri,” ndezvaJehovha.

Kushandira zvinhu zvisiri Jehovha zvinoreva kuwachiswa nezvinhu izvozvo. Kana isu vanhu tave kuenda kune vanoporofita vachiwachiswa naSatani, ko isuwo Satani haasi kutiwachisa here?

Kunyanya paye patinofamba tichiudza vanhu pamusoro pemaporofita “edu” kudarika kuudza kwatinoita vanhu nezvaJehovha.

Johani anoti; “Jesu anofanirwa kukura, asi ini ndinofanirwa kudukupiswa. Anobva kumusoro ndiye ari pamusoro pavese; neanobva panyika ndewenyika, anotaura zvenyika.”

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×