Ane $2 yekuchengeta mhuri pamwedzi

Amager Mufema
VANHU vaive mudare vakaita sevachatyoka mbabvu nekuseka apo mumwe murume aive amhan’arirwa neaimbove mudzimai wake akati anorarama nekupemha uye anowana $2 pamwedzi yekuchengeta mhuri yake, nekudaro haakwanise kuita zvemhirizhonga.

Susan Chirwa akaendesa Alvin Chidirwa kuHarare Civil Court achimupomera mhosva yekuti anogaromutuka nekumurova pose pavanosangana.

“Changamire, ndaoneswa ndondo nemurume wamunoona amire apa uyu. Takasiyana kare kare uye ndave kugara natete vangu asi anongouya kumba kwatete vangu achindituka.

“Dzimwe nguva tikasangana mumigwagwa anotanga kundirova zvekuti ndatove chiseko chenyika,” akadaro Chirwa.

Akati Chidirwa munhu anongoda zvemhirizhonga.

“Anoda zvemhirizhonga, pandakamuendesera masamanisi ekuti ari kudiwa kuno kudare akatora screwdriver akandibaya nayo.

“Haasi kuchengeta vana vake, chaanogona kuuya kumba kwatete kuzondituka nekundirova mumigwagwa muzere vanhu,” akadaro Chirwa.

Chidirwa akati haana dambudziko kana dare rikapa Chirwa gwaro redziviriro asi akapokana nezvaakange ataura.

“Ini handina dambudziko kana dare rikapa mutongo wekuti Chirwa adzivirirwe. Asi ndinopokana nemashoko ose aataura ndichiti manyepo.

“Ini ndinorarama nekupemha ndichiwana $2 pamwedzi uye ndaichengeta vana vangu. Ndakazomira kuchengeta vana pandakapihwa masamanisi ekunzi ndiri kudiwa kudare. Handipare mhosva nekuti ndinorarama nekukumbira,” akadaro Chidirwa apo vanhu vaive mudare vakabva vati bvuu kuseka.

“Ndokumbirawo dare kuti ripe mutongo wekuti ndisasangane naChirwa nekuti akaudza shamwari yangu kuti ndigare ndakangwarira, zvino handichazive kuti ari kuda kundiitei, ndave kutotyirawo upenyu hwangu,” akadaro Chidirwa.

Mutongi Barbra Mateko akapa Chirwa gwaro redziviriro.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×