‘Anodira mukaka pamubhedha wangu’ . . . ‘Inhema, ndakakubata uine chikomba’

Amager Mufema
SAMUSHA vekuendeswa kudare nemudzimai wake achipomerwa kudira mukaka pamubhedha waanorara anoti mukadzi uyu ave kuda kunzvenga nyaya yekuti akamubata aine chikomba mumba mavo.

Portia Mudengezerwa akaendesa Ranganai Lozani kuHarare Civil Court achiti: “Ndauya kudare nekuti rugare handichina zvichikonzerwa nemurume wamunoona amire apa uyu. Anogara achidira mukaka pamubhedha wangu, handizive kuti anozviitirei.

“Ishe wangu, izvozvi ndikaona zuva ndototenda Mwari nekuti anogara nebanga muhomwe. Pose paanondiona anondisikiza nebanga achiti, ‘Ndichakuendesa chete, handina guva kumberi kwangu.’ Ndosaka ndapotera kudare kuno.

“Zviri zvekurohwa handichatotaure, anongondirova paadira nechaanenge abata panguva iyoyo.”

Lozani akaudza dare kuti haana dambudziko kana dare rikapa Mudengezerwa gwaro redziviriro.

“Ini handina dambudziko kana dare rikapa Mudengezerwa gwaro redziviriro asi ndinopokana nezvose zvaataura ndichiti kunyepa.

“Nyaya yakaitika ndeyekuti ndakamubata aine chikomba mumba mangu ndikamubvunza kuti ndiani wako waunorara naye pamubhedha wangu. Akangobuda mumba uye paakazodzoka ndipo pandakaona akabata masamanisi ekuti ndaidiwa kuno kudare. Zvekuti ndakarova munhu kana kumutyisidzira nebanga inhema dzoga-dzoga.

“Zvekuti ndinodira mukaka pamubhedha wake ndiri kutozvinzwirawo muno mudare,” akadaro Lozani.

Mutongi Barbra Mateko akapa Mudengezerwa gwaro redziviriro ndokuti vaviri ava vanofanirwa kugadzirisana kusawirirana kwavo murunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *