Vahosi nanyachide varimirana

Kudakwashe Chinokuya
NYACHIDE akadhonzera vahosi kudare achiti aoneswa chakati tende nekushungurudzwa achipomerwa kuti ndiye ari kudya mari yose nemurume mumwe wake nevana vachikwangwaya.

Tsitsi Bakare akamhan’arira Colleta July, uyo anova vahosi pabarika ravo, kuHarare Civil Court achiti anomushungurudza.

“Maiguru vanonditukirira pamba pangu uye mamwe mazuva vanoshandisa foni vachitaura zvavanzwa kuda zvavo. Vanouya kubasa kwangu vachindipumha huroyi handizivi kuti vakambondiona ndisina kupfeka here,” akadaro

Akati July anomuti ipfambi yemakoko uye anoda kumuuraya iye nevana vake.

Akaenderera mberi achiti: “Mumwe musi maiguru vakandifonera vakandiudza magaramwoyo. Vakanditi ndiri pfambi yemubhawa asi ini ndiri mudzimai anozvishandira ndichibatsirana nemurume. Ndasiyana naivo vanoswera vakagara vachimirira murume kuti achauya nechokudya. Vakandivimbisa rufu ini nevana vangu uye takagara tose kumusha kwavari mazuva ano.

“Ndinokumbirawo dare rindipe gwaro rerunyararo nekuti zvava nemakore manomwe zvichiitika.”

July akaramba zvaitaurwa naBakare. “Changamire, mainini ava ndinoda kuti tigarisane navo zvakanaka asi dambudziko ravo vanoda mari zvakanyanya. Vanokanganwa kuti ini ndine mhuri yandiri kuchengeta kumusha. Hapana kana mari yandinoona kumusha ivo vachidya zvavo namambo vari muno muHarare. Ndakati tigare tose kumusha kuti zvinhu zviite nyore kune mhuri yose vakaramba nekuti vanoda kudya mari voga,” akadaro.

Akaenderera mberi achiti akatanga kuziva kuti Bakare aive nyachide wake gore rakapera.

“Mainini ndakatanga kuvaziva gore rapera iri murume andizivisa kuti ndozviripo. Nguva yose vaiita zvechihwande-hwande nemurume ini ndichikwangwaya. Pamba pake chaipo handisati ndapasvika. Anoti ndiri pfambi asi iye ndiye anotora varume vevamwe kuita vatatu vatatu,” akadaro July achipupa nehasha

Mutongi Barbra Mateko akati nyaya iyi idzoke mudare zvakare.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×