Braeside zrp: No. 1

Chief Inspector Nyasha Museki
Chief Inspector Nyasha Museki

Chikoro chakariga zvose padzidzo  

CHIKORO cheBraeside ZRP School chiri muHarare, chasimukira zvikuru mune zvedzidzo izvo zvinoonekwa nekutora kwachakaita chinzvimbo chekutanga mumakwikwi ezvidzidzo edunhu reMbare/Hatifield District Merit Awards egore rino ayo akaitwa nguva pfupi yadarika.

Mukuru wechikoro ichi, Chief Inspector Nyasha Museki, vanoti chikoro chavo chakavambwa mugore ra1964 apo paidzidza vana vemapurisa chete asi nekufamba kwenguva, chakasvika pakutorawo vana vane vabereki vane mabasa akasiyana.

“Kubvira mugore ra2007 kusvika 2015, kubudirira kwedu kuri kuwedzera nekuda kwekuzvipira kwevarairidzi uye rutsigiro rwevabereki. Mugore ra2011, pabvunzo dzeGrade 7 taive nevana vana vaive ne4 Units, muna 2013 tikawana 10 kuchizoti 2015 vakatowedzera kuenda pa24,” vanodaro.

Kubudirira kuri kuita vana vepachikoro ichi muzvidzidzo zvose (overall pass rate) pabvunzo dzeGrade kubvira gore ra2007 kusvika 2015 kunonwisa mvura.

Mugore ra2007 vakabudirira (kupasa) nechikamu che90%, 2008 (78%), 2009 (67%), 2010 (76%), 2011 (93%), 2012 (96%), 2013 (98%), 2014 (95%) uye 2015 ndokusvika pa98,3%.

Chief Insp Museki vanoti nekuda kwembiri yekubudirira kwevadzidzi vepachikoro chavo, vamwe vabereki vakawanda vari kuunza vana vavo kuzodzidzapo.

“Tine mbiri huru yekugona chikoro zvekuti tinotarisira kuti ticharamba tichingobura nhamba yekutanga mudunhu uyewo mari yechikoro pano yakaderera zvikuru. Chikamu che90% chevanodzidza pano vana vemapurisa, nokudaro vanenge vakachengetedzeka zvikuru. Mwedzi woga-woga nhengo dzekuVictim Friendly Unit dzinouya kuzofundisa vana pamusoro penyaya dzekumbunyikidzwa kwevana kuitira kuti vana ivava vakure vachiziva pavanotadzirwa uye matanho avanofanirwa kutora kana vachinge vasangana nematambudziko ekumbunyikidza nenzira dzakasiyana,” vanodaro.

Braeside ZRP School iri kusimukirawo zvakanyanya munyaya dzezvivakwa zvakaita sedzimba dzekudzidzira dzevana veGrade 1, Early Child Development (ECD) nemahofisi echikoro.

“Takatanga tiine vana 570 asi iko zvino vave kusvika 1 200, nekudaro takaona zvakakosha kuti tiwedzere zvivakwa zvedu kuti vadzidzi vafunde vakafaranuka. Panyaya dzemitambo, tiri pamberi kurugby uko tinogara tichitora mikombe uye tine tarisiro yekupinda mumitambo yetennis nekarate,” anodaro mukuru wechikoro.

 

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *