Anohaira ambuya vake mamonya

Tafadzwa Mutsotso

AMBUYA vakaendesa muzukuru wavo kudare vachimupomera mhosva yekuvarova pamwe nekuhaya shamwari dzake mamonya kuti vavabate chibharo mushure mekunge avakiira mumba.Naume Gandisai akaudza dare reHarare Civil Court kuti Shelton Mutango anomushungurudza zvisina mukare akamboona.

Vakati muzukuru wake uyu anoita basa rekuvarova nekuvadzipa pahuro.

“Anotora mazirume shamwari dzake odzikiira mumba neni achiti dzindibate chibharo, mushure mezvo opihwa mari,” akadaro Gandisa.

Ambuya ava vaniti Mutango anovatuka achiva ipfambi yemakoko.

“Mwana uyu, mwana wemwana wangu. Muzukuru wangu chaiye asi handizive kuti mweya werudzii waari kundifungira. Anondituka zvekuti vanhu vose vanoungana kana achinge atanga zvake kupaumba,” akadaro Gandisai.

Ambuya ava vanoenderera mberi vachiti: “Anondiudza chipfambi chandisina kumbobvira ndaudzwa chero nemurume wangu. Handizivi kuti akaudzwa nani kuti amai vake mwana wepfambi. Ane mashoko anorema mwana uyu muchimuona akadai.  ‘‘Ndinorwadziwa nezvaanondiita asi ndirini ndakamuchengeta kusvika akura kudai.”

Mutango akapikisana nemashoko aya achiti haarove kana kutuka ambuya vake.

“Ambuya vari kundinyepera, handivarove kana kuvatuka. Handipikisane zvangu nechikumbiro chavo nekuti hapana chandinobva kana chikumbiro ichi chikadzikwa nedare,” akadaro.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Gandisai gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *