Anoitira tsvina pazvibhorani. . . zvinocherwa mvura kuBudiriro

Cassius Mushore
MUSIKANA wekuBudiriro, muHarare, wekunzi kana adhakwa anoitira tsvina pazvibhorani zvinocherwa mvura yekushandisa mudzimba, akazoendeswa kudare redzimhosva nababa vake.

Dennis Chalumba akamhan’arira mwanasikana wake, Marcia Chalumba, kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza zvikuru.

“Mwana wangu ane misikanzwa inonyadzisa muraini.

“Ini sababa vake ndava kutonyara kuti mwana wangu nekuti anoita zvinorova. Ndikada kumutsiura anondiudza kuti muri kupedza nguva yenyu nekuti ini handisungwe nemapurisa epaBudiriro nekuti vakomana vangu.

“Apa kunditonga kwaanondiita ndiko kwakaoma, anotoganza achiti kana amai vakafa muchanyatsoona kuti ndini ndichasara ndichitonga pamba pano, mose maita vetete,” akadaro.

Dennis akaenderera mberi achiti Marcia ave kutozivikanwa kumapurisa nekuda kwehunhubu.

“Iko zvino anzwa nekusungwa nemapurisa achingoenda kujeri. Ave kutozivakanwa nehunhubu hwake, akadhakwa anotanga kutema mahwindo evanhu vemuraini.

“Apedza kudaro ndipo paanozosiya aitira tsvina pazvibhorani zvose zvemuraini zvinonwiwa nevanhu,” akaenderera mberi achidaro Dennis.

Marcia akapikisa baba vake achiti: “Baba ndinozviziva kuti makandivenga, hamundifarire. Ndimi munogara muchindityisa muchindiudza kuti amai vangu vaive pfambi yemandiriri zvekuti mumwe mwana haasi wenyu.

“Zvakare baba nyadzi ndidzo dziri kutokubatai nekuti makaita makore gumi musingagare nesu matiza maenda kuBulawayo.

“Saka mava kuda kuhwanda zvamakaita nekugara muchitishungurudza, kunyara chete kwamuri kuita baba,” akadaro.

Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa gwaro redziviriro kuna Dennis.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×