VANHU vaive parufu rwemumwe mukadzi akafa arumwa nenyoka kwaManjokota, kuBuhera South, vakaita bararamhanya kutiza vachisiya chitunha mushure mekunge vaingwa nemisvesvenenga yenyoka mbiri dzerudzi rwerovambira vari pakati pekuchema.
Mushakabvu Tsumbei Chingwa (36) wemubhuku raChikware anonzi akafa mushure mekunge arumwa nenyoka yerudzi rwerovambira iyo inonzi yainge yakareba zvekuda kusvika mamita gumi, nguva pfupi yadarika.
Vanhu vaive parufu apa vanonzi vakazodzvamuka votiza apo nyoka mbiri dzerudzi urwu dzakauya panhamo. Hama neshamwari dzemufi dzinonzi dzakazodzikama apo zvikara izvi zvakadzokera mumakomo ari pedyo.
Hazvina kubuda kuti panyoka mbiri idzi ndipo pane yainge yakobora mushakabvu here kana kuti kwete.
Mumiririri weBuhera South mudare reNational Assembly, Cde Joseph Chinotimba, avo vanozivikanwa nekushanda vakabatana nevanhu vedunhu ravo, vaivepowo pakaitika mashura aya.
VaEdison Manjokota (45), avo vanova murume wemushakabvu, vanoti mashura aya akaitika mumaziso avo zvose nechaunga chevanhu vaichema mudzimai wavo.
Vanotsanangudza nyaya iyi vachiti: “Mudzimai wangu akarumwa nenyoka yerovambira apo ainge aenda kumukando uko vaiungana vachironga zvekuzopanana mari dzavo. Nyoka iyi inonzi haina kuonekwa kuti yakapinda sei mukati mevanhu apo yakasvikomisa musoro yakadarika vanhu vose vainge vagerepo asi yakaita zvekuzembera nekumusana kwemukadzi wangu. Yakabva yamuruma ruwoko rwerudyi kaviri.
“Tava parufu rwake, pakazouya dzimwe nyoka mbiri dzerudzi rwemarovambira vanhu tikadzvamuka kutiza. Aya mashura chaiwo.”
Mudzimai uyu anonzi aiva pakati pevanhu vaisvika 18 apo akarumwa nenyoka iyi pedyo nerwizi Mudondozvi vamwe vose ndokutiza.
“Pakarumwa mukadzi wangu nguva dzaive kuma4 masikati apo vaive vakaungana pasi pemuti weMuwora nevamwe kubindu ravo remushandirapamwe weTashinga. Ini ndakazoshevedzwa ndikaenda naye kun’anga nekukiriniki yeMuzokomba, ndokuzomuendesa kwaMurambinda uko akanofira kuma1 kunze kwave kuedza,” vanodaro VaManjokota.
Vanoti chinovanetsa ndechekuti pavanhu vose vaive pamusangano uyu, nyoka iyi yakasarudza kuruma munhu mumwe chete – mudzimai wavo.
“Takazotakura mutumbi wemudzimai wangu kusvika nawo kuno kumusha zuva rodoka, mutumbi wake ukarara mumba. Rechimangwana racho kuma9 mangwanani apo mutumbi waiva mumba, ndipo pakaonekwa nyoka mbiri dzemarovambira kumucheto wechivanze dziri panzvimbo dzakasiyana.
“Vanhu vakadzvamuka vachitiza zvikara izvi nyoka dzacho dzichibva dzasvororoka dzichidzokera mumakomo ari padyo ayo,” vanodaro.
Murume uyu anoti haazive kuti zvakaitika izvi zvinorevei nekuti nyoka yekutanga yakaruma mudzimai wake yakabva yauraiwa nevarume vatatu vaiva pagungano remukando iri.
“Hatichaziva kuti marovambira maviri aya akavinga imwe yakanga yauraiwa here kana kuti zvaiva zvehuroyi. Handichanzwisisa kuti mukadzi wangu akafa sei, yekutanga yakamuruma yakauraiwa nevarume vaiva pamusangano apa vaisanganisira Enos, Francis naMisheck Manjokota.”
Nyoka yakauraiwa iyi inonzi yaiva yakareba mamita angangosvika gumi uye yakafuta semutswi kana kuti bango. Musha uyu wakakomberedzwa nezvikomo zvinosanganisira Mutombonyi, Gonde neZinyengere umo munonzi mune nyoka dzemarovambira.
VaManjokota vanoti kubva vachikura, havana kumbobvira vakanzwa kuti rovambira rinovinga kuzoruma munhu mukati mevamwe.
Vanotizve mudzimai wavo asati afa, kwakatanga kuuya nyuchi pamba pavo dzikasvikogara mumuti wemuhingi idzo vanoti vaibvuridza nemoto dzichiramba dzichidzoka.
Nanhasi nyuchi idzi dzichiripo.
“Mashura erufu rwemudzimai wangu akabvira kure, kuti idzo nyuchi, nyoka uye patakachera guva rake takawana paitirwa tsvina yemunhu nyoro iyo zvakanzi nevamwe mishonga yekutsipika mufi. Takatozoifoshora kubvisa paguva.
“Iye mukadzi wangu akataurira hama dzake kuti nguva yake yekufa yakanga yakwana pane zvaaiona,” vanodaro VaManjokota.
“Nekune rimwewo divi, pakaitawo kutaudzana nevehukama (mazita tinawo) apo ndakavakumbira kuti vandiratidze nzvimbo yekuviga mukadzi wangu. Vakati (hama) ndaifanirwa kutanga ndavapa mombe, handizive kuti zvairevei.”
Murume uyu anoti vakazoviga mutumbi wemudzimai wake zvisinei nemashura aya.
“Ndakaroorana nemudzimai uyu mugore ra1992, tine vana vasere, vatanhatu vachiri kupinda chikoro.
“Kune vanodawo kundipa mazano nekundibatsira vanondibata panhamba dzinoti 0771 223 282 nekuti ndatenderera musoro nazvo,” vanodaro.
Murume uyu anoti kubva pakavigwa mutumbi wemudzimai wake, hakuna kana wehukama akadzoka kuzomunyaradza izvo akati zvinoita kuti ave nefungidziro yezvakaipa.
Munin’ina wemushakabvu, Marvelous Munhenzva (26), anoti mafiro akaita mukoma wake anotyisa.
“Nyoka yakaruma mukoma wangu ndakaiona, yaityisa kutarisa apo yakanga yauraiwa. Yaive yakareba mamita gumi chaiwo uye ndinoti aya mabasa evaroyi,” anodaro.
Hanzvadzi yake, Rephanos Muchadokurwa (33), anotiwo akazongonzwa kuti hanzvadzi yake yafa nekurumwa nenyoka.
“Nyaya yakaitika pano unoona sefirimu chairo, kuti munhu arumwa nenyoka, panhamo pake pozouya dzimwe nyoka dzerudzi rumwe chete,” anodaro Muchadokurwa.



