“MAITIRO emwana uyu anenge mubvandiripo. Ko sei asinganditerere uye haana kana chimwe chete chinganzi inhodzerwa paakada kufanana neni baba vake? Kuti mwana uyu ndewangu chaiye, chaiye? Sei akasiyana nevamwe vana vangu?” Aya mashoko aingopishana mumusoro maTichazovepi Mhanduwe wekuGokwe apo aigunun’una pamusoro pezvaiitwa nemwanakomana wake, Tafirenyika.
Murume uyu akaramba achishushikana mupfungwa asi yakave gangaidza mukwenyi wemhezi yavavira mudumbu. Nekuti kunyangwe zvazvo aive nefungidziro yekuti mwana uyu haazi wake, iyi inyaya yaimunetsa kuti oifambisa sei. Pachivanhu zvinonzi mwana akapihwa kuna baba kana kuti kudzinza risiri rake anogona kukonzeresa kusagadzikana mumusha maanenge ari.
Kazhinji kacho zvinonzi zvinozobuda pachena kuti mwana haazi wemumhuri maanenge achigara kuburikidza nezviitiko zvakaita sekubudirwa nemudzimu wekumusha kwake chaiko.
Sekuru Elisha Mutanga vesangano reZinatha, vachigara mumusha weUshewokunze, muHarare, vanoti hakuna hutsinye hunodarika kupa mwana mutupo usiri wake izvo zvavanofananidza nekuroya.
“Isu semachiremba echivanhu, tine nyaya zhinji dzevanhu vanochembera vasingazive dzinza nemitupo yavo chaiyo avo vanozouya vachibvunzira tichizovaudza chokwadi. Tinozovatungamirira kuenda kumisha yavo uko vanosvikotambirwa ivo vambochemberera kumadzinza asiri avo nekuda kwekunyeperwa nemadzimai,” vanodaro Sekuru Mutanga.
“Madzimai ndivo vanoziva varidzi vemimba dzavanotakura, saka kunyangwe pakava nematambudziko nevarume vanenge vavapa pamiviri, ngavazivise vana madzibaba avo chaiwo kwete kuvapa kunana baba vasiri vavo. Ingozi uyewo munopa nhamo kuvana ava pachivanhu, pasi petsika dzedu dzemuno hazvibvumidzwe,” vanodaro.
Vanoti kune mamwe madzimai anodanana nevarume vakawanda panguva imwe chete vopedzisira vave kutadza kuziva kuti muridzi wemimba ndiani.
“Mwana akapihwa kudzinza risiri rake zvinogona kuita kuti midzimu yake inorwisana nekwaanenge ari mozoona vana vachiita marombe kana kugara vachirwisana nevamwe. Iye mukadzi anove amai vemwana uyu unoona zvakare achitorega achipihwa zita remudzinza risiri rake, zvakaipa.”
Vanoti zvakakosha kuti vana vaudzwe kuna baba vavo chaivo zvisinei nemamiriro anenge akaita zvinhu.
“Semuenzaniso, ngatitiyi vemhuri yemutupo weMuseyamwa vanoungana vachipira midzimu yavo iye mwana wamakanyepera kuti ndewemhuri iyi arimowo achifunga kuti ndewepo. Munofunga kuti anorarama sei?
“Chituko mumhuri iyi, haambofa akabudirira muupenyu hwake saka mwana ngaazive mutupo nedzinza rake. Iyemi munopihwa vana vasiri vedzinza renyu ava vakafira mumusha menyu ndipo pamunozonzwa kuti makaviga muranda yava ngozi achiti maindishandisa ndinoda kuripwa nemukadzi nemombe,” vanodaro Sekuru Mutanga.
Vanoti nyaya yekupa vana madzinza asiri avo iyi varume vane chekuitawo nekuti ndivo vanotanga kuramba nhumbu dzavanenge vapa mamwe madzimai.
“Nekuda mari, ndinoziva murume akanzi nemumwe murume aiva nemari zvikuru tambira musikana wangu ane nhumbu sewako nekuti kumba kwangu mudzimai wangu anopenga. Musikana uyu akanyengetedzwa akabvuma akapota achipihwa mari kusvikira mwana akakura iyewo ndokuguma ava kudanana nemukadzi uyu kusvikira vatozobereka vamwe vana.
“Asi nyaya iyi yakazobuda apo mwana aiva apihwa dzinza risiri rake uyu asvikirwa nemudzimu wake chaiwo ndokuzoenda kumhuri yake chaiyo,” vanodaro.
lEndai kuPeji 5
l Kubva kuPeji 2
Vanoti zvakare hapana mwana anofanira kunzi haana baba.
Sekuru Mutanga vanopa muenzaniso wemamwe madzimai vanotaurira vana mazita anababa vavo musi wavanenge vave kufa izvo vanoti zvakaipa zvikuru nekuti anozoona nhamo nekutsvaga baba vake kana hama dzake.
“Izvozvi tatarisana nezororo reKisimusi apo mhuri dzose dzichaungana vachiuraya zvipfuyo vachipemberera nekupira mashavi. Iwe (mwana asiri wedzinza iri) unenge urimo uchipihwa mutupo usiri wako. Hakuna kuroya kunodarika apa saka ndinoti madzimai nemi vasikana ipai vana mitupo yavo nemadzinza avo chaiwo,” vanodaro.
Mashoko avo anotsinhirwa naVaPatrick Kapfunde avo vanozivikanwa nekuti Sekuru Bhaureni vekuMt Darwin vachiti zvakakosha kuti madzimai ataurire vana kunenge kuina vanababa vavo chaivo.
Mbuya Agnes Samakande (62) vekuChitungwiza vanoyambira madzimai vane tsika yekupa vana kuvarume vasiri anababa vavo kuti zvine ngozi zvikuru.
“Tine madzimai mazhinji vanoita izvi, vamwe nekuwanza varume, vamwe vanodanana nehama nevamwewo vanobuda mudzimba vachitsvaga vana kunze mbereko dzanetsa. Asi izvi zvose zvine ngozi huru nekuti zvinopa vana matambudziko,” vanodaro.




