Anoitira weti mumuriwo

Courtney Munodawafa

CHIREVO chinoti pfuma yenhaka inoparadza hukama chave kuzadzikiswa nekuda kwenyaya yemukoma nemun’nina avo vari kuendesana kumatare edzimhosva vachirwira imba yakasiiwa nevabereki vavo uye kupomerana kuitira weti mumuriwo.

Onias Matongera akamhan’arira munin’ina wake, Artwell Matongera, kudare reHarare Civil Court achikumbira gwaro redziviriro sezvo achiti ari kumushungurudza nekuda kweimba yavakasiirwa nevabereki vavo.

Onias anoti munin’ina wake anoitira weti mumuriwo uri mubindu uyo unotengeswa nemudzimai wake kuti awane raramo.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Onias gwaro rinomudzivirira.

“Vabereki vedu vakashaya, saka tiri kugara tose pamba pavo. Hapana anotonga sezvo nhaka isati yanyoreswa.

‘‘Zvino munin’ina wangu andinetsa. Anoitira weti mugadheni pamberi pemukadzi wangu. Apedza, anotyora muriwo uyo unotengeswa nemudzimai wangu,” anodaro.

Onias anoenderera mberi achiti, “Ari kuzviita nekuti anoda kuti tibve pamba. Akabaya mwana wangu nebanga paruoko, mukoma wangu ndiye akazonomukumbirira kuti aregererwe tamusungisa. Munhu wose anekodzero yekugara pamba asi ngatigarei murunyararo.”

Artwell anoudza dare kuti mudzimai waOnias ndiye ane dambudziko.

“Ishe wangu, hongu tinogara tose nemukoma. Handina kana dambudziko navo asi mukadzi wavo ndiye mharadzi.’’

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×