Gringo ava kuruzevha

Abel Ndooka

SHASHA yemadhirama anosetsa, Lazarus “Gringo” Boora — uyo akamborwara zvekupinda muchipatara nguva yadarika — anoti asimba uye pari zvino akamboenda kumusha kuNyazura kumbonosakura kumunda wake.

MunaGumiguru gore rapera, Gringo akavhiiwa nemachiremba kuchipatara sezvo appendix yake yainge yakanganisika izvo zvakaona achimbogara muchipatara kwekanguva uye veruzhinji vakabatana kuunganidza mari yekuti arapwe.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Gringo anoti asimba zvekuti akatoenda kumusha kumbonorima nekusakura.

“Muviri wangu wave kuita zvakanaka manje, iye zvino ndakamboenda kumusha kuNyazura, ndiko kwandiri kumbofurwa nemhepo uye ndichimboona kuti zvirimwa zvangu zviri kubuda zvakanaka here,” anodaro.

Gringo anoti achadzoka muHarare munguva pfupi iri kutevera.

“Svondo rinotevera ndinenge ndadzoka muHarare, kana ndadzoka ndokuzivisai.”

Gringo anozivikanwa nemadhirama anosanganisira Gringo, Gringo Ndiani? nefirimu rinonzi Gringo Troublemaker.

 

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *