Janet Chikotosa
MUDZIMAI wekuita katsika kekuenda kubasa kwemurume wake achinomurova, kumutukirira pamwe nekubongomora mhere kana achinge amushaya akazomiswa mudare redzimhosva.
Dennis Washaya akaendesa Patience Macheka kuHarare Civil Court achiti anomushaisa rugare. Washaya akaudza mutongi Barbra Mateko kuti: “Mudzimai wangu uyu anouya kubasa kwandinoshanda achiti mari yemwana haisi kukwana, dai wawedzera. Anobva atanga kupopota achindirova pazere vamwe vashandi.”
Anoti ave kubva chimiro kubasa kwake nekuda kwemaitiro emukadzi wake aya.
“Dzimwe nyaya dzinoda kutaurirwa kumba kwete kutoita zvekutevera kubasa kuzere vanhu. Munhu wose anopedzisira ave kuziva mamiriro akaita kumba nekuda kwekusagadzikana kwemukadzi uyu. Akauya kubasa akawana ndisipo anotanga kuchema pamberi pemadhiraivha nemagadhi kuti anzwirwe tsitsi. Anobva apihwa mari oenda, asi ozodzokazve rimwe zuva.
“Hakusi kuda kundibvisa chimiro pabasa here changamire? Chandinongokumbira kuti asasvike kubasa kwangu tigadzirise nyaya idzi kudzimba. Kutaura kudai hapana asingachamuzive kubasa kwangu, kana mukuru webasa chaiye ave kutomuziva. Zvinondikanganisa kushanda zvakanaka,” akadaro.
Macheka haana kupikisana nezvakataurwa nemurume wake achiti nyaya yaikonzera kuti aende kubasa kwake ndeyekuti haasi kuriritira mhuri yake. “Ini handipikisani nezviri kutaurwa nemurume wangu. Dai achichengeta mhuri zvakanaka kumba ndingadai ndisina kumira pano nhasi. Nyangwe zvichinzi nyika yaoma asi munhu wemurume anofanira kumira-mira kuti mhuri yake irarame.
“Kutochema kubasa kwake kuti nditowanawo kubatsirika nokuti ndinenge ndapererwa. Kumba kwacho haadi kutaura ndosaka ndichizomhanyira kubasa kwake,” akadaro Macheka.
Mutongi Mateko akapa Washaya gwaro redziviriro akati vaviri ava vagarisane zvakanaka uye vataurirane murunyararo sevanhu vachiri kugara pamwe chete.




