– kwakabva zita –

GWAMATICHA (Mberengwa)

KUDUNHU reMberengwa West kune rwizi rwunonzi Gwamaticha. Murwizi urwu makawira maticha achibva kumasports about 20 years ago. Mwedzi uno zvekare (Kurume) pane maticha murume nemudzimai vakatorwa nerwizi urwu vari muchimotokari cheNoah chavo. – P HWANDE, GOKWE NORTH.

CHIZIVISO:

. MuZimbabwe mune nzvimbo zhinji dzine mazita anoshamisa kana asingazivikanwe nevamwe kuti akabva kupi. Mamwe mazita anobva pazviitiko zvakaitika, mamwe achibva pamazita evanhu kana madzishe. Asi mamwe mazita haazivikanwe kuti akatanga sei. KwaMurehwa kune nzvimbo inonzi Zorizozo, kuMhondoro kune kunonzi kwaDhodhi uyewo kuZaka kune kunonzi kwaMuroyi. Kana ukatsvagisisa, uchaona kuti mazita ose aya ane kwaakabva, uye ane zvaanoreva.

Kwayedza iri kukoka imi vaverengi kuti mutinyorere muchitiudza zita renzvimbo yamunogara nekuti sei yakapihwa zita iroro.

Tumirai tsananguro dzenyu makanyora kuti “KWAKABVA ZITA” ku: Kwayedza, PO Box 396, Harare, Email: [email protected]. Munogona kusiya matsamba kumahofisi ose eZimpapers ari paHerald House muHarare, Chronicle House kuBulawayo, Manica Post kwaMutare, kuStar FM, kuGweru, kuMasvingo, kuChinhoyi, kuVictoria Falls, kana kuBeitbridge.

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×