Mayunivhesiti oyambirwa

Dr Gandawa
Dr Gandawa

‘Musarambidze vadzidzi kunyora bvunzo’

HURUMENDE inoti mayunivhesiti nemakoreji haafanire kurambidza vadzidzi vanenge vasina kubhadhara mari dzemafizi kunyora bvunzo sezvo kuita kwakadai kuri kutyora kodzero dzavo dzekuwana fundo. Vachitaura mudare reNational Assembly svondo rapera, mutevedzeri wegurukota redzidzo yepamusoro, sainzi pamwe nekusimudzirwa kwemichina, Dr Godfrey Gandawa, vanoti mutemo unoti hapana mudzidzi anofanirwa kurambidzwa kunyora bvunzo pangave pachikoro, pakoreji kana yunivhesiti nekuda kwekuti anenge atadza kubvisa mari nenguva.

Dr Gandawa vaipindura mubvunzo wemumiriri weBulawayo East, Muzvare Thabita Khumalo, avo vaida kuziva kuti zviri pamutemo here kuti vadzidzi vanenge vasati vabhadhara mari varambidzwe kunyora bvunzo.

“Sei muri kuomesera vadzidzi ava nekuvarambidza kunyora bvunzo mushure mekunge vapedza makore vachidzidza payunivhesiti, mozongovadzinga musi wekunyora bvunzo?” vanodaro Muzvare Thabitha. Dr Gandawa vanoti pasi pemutemo, mudzidzi anofanira kubvumidzwa kunyora bvunzo dzake panguva iyo anenge achitsvaga mari.

“Uyu ndiwo mutemo weHurumende. Zvinobatsira zvikuru kune veruzhinji tikaziva kuti mayunivhesiti kana kuti makoreji api anenge arambidza vadzidzi kunyora bvunzo kuitira kuti titore matanho akakodzera. Kunze kweizvozvo, vadzidzi vanofanira kubvumidzwa kunyora bvunzo vachifanotsvaga mari dzekubhadhara. “Tingafare zvikuru kuziva mayunivhesiti ari kurambidza vadzidzi kunyora bvunzo,” vanodaro Dr Gandawa.

Muzvare Khumalo vanoti mamwe emayunivhesiti akarambidza vadzidzi vakange vasina kubvisa mari kunyora bvunzo nguva yadarika anosanganisira National University of Science and Technology (Nust), Midlands State University (MSU), Zimbabwe Open University (ZOU) neLupane State University.

“Takatozopindira kudzivisa mayunivhesiti aya kuti asadaro. Saka tinoda kuti panyorwe magwaro anoenda kuzvikoro zvose zvedzidzo yepamusoro kuti zviziviswe kuti hazvifaniri kuomesera vadzidzi asi kuti vabereki,” vanodaro.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×