Apostle Tasara azviita zvakare

Abel Ndooka

MUIMBI wenziyo dzechitendero – Apostle Tichaona Tasara – orwisa kutorwa kwezvinodhaka nevechidiki uye nekuvakurudzira kuti vave nehunhu hunoyemurika kuburikidza nekambo kake katsva kaakabura kanonzi ‘Temberi YaJehovha’.

Pakambo aka, Apostle Tasara akabatana nevamwe vaimbi vanoti Bishop Norest Matende naBishop Samson Tavengwa.

Kambo aka kanokuridzira vechidiki kuti vachengetedze miviri yavo uye vasiyane nekatsika kekushandisa zvinodhaka.

“Ndakabatana nevaimbi vaviri vanoti Bishop Norest Matende naBishop Samson Tavengwa kubura kambo kangu katsva aka kanonzi ‘Temberi YaJehovha'”.

“Takaona zvakanaka kuti tibatane kuparidza neizwi rimwe chete tichipa dzidziso kune vechidiki neveruzhinji pamusoro pehuyipi hwekutorwa kwezvinodhaka uye kutengesa miviri nekuti miviri yedu yakakosha zvikuru.

“Bhaibheri rinoti Mwari vakasika munhu nemufananidzo wavo naizvozvo miviri yedu itemberi yaMwari tinofanira kuikoshesa,” anodaro.

Apostle Tasara anonyanya kuzivikanwa nenziyo dzakaita mukurumbira dzinosanganisira ‘Nguva Yekunamata’, ‘Tungamidza Mwari’, ‘Rovedzerai Vana’, ‘Pfuma Yekuromba’ uye ‘Chengetai Vabereki’.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *