‘Arsenal yotokunya dzisimbe’

ARSENE Wenger anoti Arsenal inofanirwa kuhwina mitambo yayo yese misere yasara kana ichida kupedza iri pakati pezvikwata zvina zvepamusoro mwaka uno.

MaGunners akarwa kuti ahwine kure nemusha wawo zvichitevera kukunda kwaakaita Middlesbrough 2-1 svondo rino uye ave kutevera Manchester City iyo iri pechina yakaasiya nezvibodzwa zvisere asi isati yatamba mumwe mutambo.

Wenger – uyo akashandisa vatambi vatatu kumashure kekutanga mumakore 20 – akati, “Kwatiri chinhu chimwe chete chatinoda, kuhwina mitambo yedu yese yasara kuti tiwane mukana wekupinda mutop four kutanga nhasi. Dai tisina kuhwina nhasi, mukana wekupinda mutop four ungadai usisipo.

“Tichizvitarisa, zvinogona kuita asi chokwadi ndechekuti zvichange zvakaoma, asi tichazama kusvika patinokwanisa.”

Achitaura pamusoro pekushandura kwaakaita chikwata chake, Wenger akati, “Ndekekutanga mumakore 20 – izvo zvinorakidza kuti nemakore angu pandasvika unogona kushanduka.

“Dzimwe dzenguva kana chikwata chako chisiri kutamba zvakanaka, zvimwe zvinhu zvitsva zvinodiwa kubatsira kuti vatarire mberi.

“Asi nyaya yekuti takanwiswa katatu kuWest Brom uye katatu zvakare kuCrystal Palace, ndakaona kuti panofanirwa kushandurwa chimwe chinhu.

“Ndakaona kuti matambiro atange tichiita mitambo yadarika handiwo saka ndakatsvaga nzira yekupagadzirisa.

“Asi panga pane kakutya kange karipo nekuti kana musiri kuhwina morari inodzikira yozodzoka hayo mbichana-mbichana.” – SportsMail Football

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×