Rusununguko: Zvaida kuzvipira

NEMUSI weChipiri svondo rino, 18 Kubvumbi, zvizvarwa zveZimbabwe zvakabatana mukucherechedza zuva guru iro rakawana nyika ino kuzvitonga kuzere — zuva reIndependence.

Iri izuva rakakosha zvikuru munhoroondo yeZimbabwe.

Zvakakosha kuti veruzhinji vagare vachiyeuka kuti rusununguko rwavari kuwana nhasi uno rwakabva paropa rakadeuka rezvizvarwa zveZimbabwe izvo zvakazvipira kurwira nyika ino.

Kune vakawanda vakarasikirwa neupenyu, vamwe vakasiiwa vaine hurema hwakasiyana nekuda kwechido chavo chekusunungura Zimbabwe kubva kuhutongi hwevapambevhu.

Hondo yerusununguko yakange isire nyore nekuti yaida vaive vakazvipira nekuti vamwe vakadududza apo yakange yopisa.

Vamwewo vakapedzisira vave vatengesi, vodyidzana nemabhunu asi avo vaiziva chinangwa chehondo iyi havana kudzokera kumashure.

Zvakakoshawo kuti nhoroondo yehondo yerusununguko igare ichidzidziswa kana kuti kurovedzerwa kune veruzhinji, zvikuru vechidiki nekuti ndivo vatungamiriri vemangwana. Tinodaro nekuti kune vamwe vanokanganwa chezuro nekuda kwehope. Vechidiki vanofanira kuziva zvikonzero zvakaita kuti mwana wemutema atore gidi kurwisa hudzvanyiriri hwemabhunu.

Zvikonzero izvi zvinosanganisira kubatwa hunhapwa kwaiitwa zvizvarwa zveZimbabwe munyika yazvo yechipikirwa nemabhunu.

Vanhu vatema vakange vatorerwa ivhu rakakora vachigariswa kujecha kana munzvimbo dzine gangarabwe — dzisingaite kurima.

Kunyangwe kuzvikoro chaiko kune zvimwe zvainzi ndezvevana vevachena chete, zvimwe chetezvo nemabasa vachena vachipihwa mari yakawanda yemuhoro asi vachiita basa rimwe chete nevanhu vatema.

Sekutaura kwemutungamiriri wenyika President Mugabe svondo rino pazuva rekucherechedza kuwana kuzvitonga kuzere kwenyika – vanoti zvakakosha kuyeuka avo vakazvipira kusunungura Zimbabwe kubva pasi pehutongi hwehudzvanyiriri.

Nhasi uno mwana wemutema asununguka munyika yechipikirwa.

Zvakakoshawo zvakare kurumbidza budiriro yaitwa neHurumende kubvira nyika payakawana kuzvitonga kuzere.

Budiriro iyi inosanganisira kusimukira kweZimbabwe munyaya dzedzidzo izvo zvaona ichienda pamusoro pedzimwe nyika muAfrica pavanhu vanogona kuverenga nekunyora.

Dzidzo inhaka yeupenyu nekudaro Hurumende inofanirwa kupembedzwa nebasa guru rairi kuita mukusimudzira chikamu ichi.

Kunze kwedzidzo, Hurumende yakazadzisa zvakare chimwe chezvinangwa zvakarwirwa hondo yerusununguko nekugovera veruzhinji ivhu.

Gore rino, Zimbabwe iri kutarisira goho guru rezvirimwa zvinosanganisira chibage nekuda kwerutsigiro rweHurumende rwekupa varimi zvekurimisa. Budiriro munyaya dzezvekurima iyi inoita kuti vaye vaimboshora vachiti vanhu vatema havakwanise kurima zvine pundutso vashaye pekupinda nekunyara. Zvakawanda zvaiitwa neHurumende kubvira mugore ra1980 nekudaro inofanirwa kupembedzwa. Chakakosha pari zvino ndechekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvibatane mukurwisa matambudziko akatarisana nenyika munyaya dzekusimukira kweupfumi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×