Asensio orambira kuMadrid

MARCO Asensio (22) acharamba ari kuReal Madrid mwaka unotevera, semashoko akabva kumumiriri wake.

Mutambi uyu ange achinzi ari kudiwa neLiverpool mushure mekunge angotamba mitambo 11 yaakatanga kubva pa38 mwaka wadarika kuLa Liga.

Achipindura apo ari World Cup kuRussia nenyika yake mushure mekunge abvunzwa nevatori venhau nezvekuenda kuLiverpool, Asensio anoti, “Kana World Cup yapera, ndipo ndichataura nezvenyaya idzodzo. Izvezvi ndiri kungofunga zvekusarudzwa kuzotambira nyika yangu.”

Kunyangwe mashoko aya achitenderera, mumiriri wake Horacio Gaggioli akasimbisa kuti haasi kuzobva kuSantiago Bernabeu pari zvino.

“Marco haasi kuzobva, acharamba ari neReal Madrid,” Gaggioli akaudza Calciomercato.

“Ari kuramba achisimukira nguva dzese. Mwaka unotevera, ndinofunga kuti achave mutambi mukuru weMadrid.”

Asensio ange achitamba nhabvu inonwisa mvura kubva zvaakaenda kuchikwata ichi icho chine mukombe weChampions League mugore ra2014 uye akamboenda kune zvimwe zvinosanganisira Mallorca neEspanyol nechikwereti. — SportsMail football

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *