Migwagwa yogadzirwa kuBuhera

MUGWAGWA unobatanidza Murambinda, kuBuhera, neBirchenough – uyo une makore wakashata – wava kuzoiswa tara, rinova danho riri kutarisirwa nevagari veko kuunza budiriro.

Cde Joseph Chinotimba, avo vanomiririra Buhera South mudare reNational Assembly, vanoti zvose zvekugadzirisa mugwagwa uyu zvavapo uye basa rakatotanga.

“Hurumende yedu tiri kushanda nayo pakugadzirwa kwemugwagwa weMurambinda-Birchenough uyo unodarika nemudunhu rangu reBuhera South. Mugwagwa uyu uri kutangira kumusoro uchidzika kuuya kuno kwaMuzokomba kunosvika kuMutiusinazita uchidarika nekuBirchenough,” vanodaro.

Vanoti kunze kwemugwagwa mukuru uyu, kune mimwezve migwagwa midiki yakagadzirwa neichiri kugadzirwa zvose nemazambuko acho.

“Tine mazambuko akatopera anosanganisira Nyarushanga bridge, Mutepfe naMuzeze richangobva kupera iro rakareba mamita 100. Iri richavhurwa nemusi wa14 mwedzi uno naResident Minister wedu weManicaland (Cde Monica Mutsvangwa),” vanodaro.

Cde Chinotimba vanoti zvakare vakagadzirisa zambuko rekwaChako nekuvandudzawo migwagwa inosanganisira weFambidzanai.

Pamusoro pazvo, vanoti vari kuvakisa madhibhi nekuvandudza matsaru uyewo kugadzirisawo zvibhorani zvakafa nekucheresa zvimwe zvitsva.

“Ndakabatsira mukuvakwa kwedhibhi rekwaMushongwi iro raiva ratangwa nevabereki uye kucheresa zvibhorani 20 ndichibatsirana neDDF.”

Cde Chinotimba vanoti vane madiridziro avari kumutsiridza seeBonda neGunura ayo atove kushanda.

Cde Chinotimba vakawanikwa neKwayedza svondo rapera vari kumusha kwavo kwaMushongwi uko vanoti vari kugara pasi nevanhu vavanomirira vachinzwa matambudziko everuzhinji.

“Hove inogara mumvura mune upenyu hwayo, saka ini ndinogara kuno kuBuhera kune rukuvhute rwangu nevanhu vandinomiririra. Mwana akadziya muviri kana akaita manyoka tinoonerana uye kana mombe ikatyoka gumbo nemamwe matambudziko anosangana nevanhu, tinenge tiri tose. Ndiko kuti Chinotimba wevanhu ikoko! Mutungamiri gara muvanhu vakakusarudza,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *