‘Aubameyang, Lacazette ka1’

PIERRE-Emerick Aubameyang anokurudzira murairidzi weArsenal – Unai Emery – kuti ashandise kuwirirana kuri pakati pake naAlexandre Lacazette nedonzvo rekusimudzira matambiro echikwata chavo.

Emery akatanga hupenyu hwake semurairidzi weArsenal nekuzvamburwa mumaoko eManchester City svondo radarika, apo paakasarudza kusatangisa Lacazette.

Chizvarwa chekuFrance ichi chakaunza mufaro mukuru kuArsenal zvichitevera kutengwa kwaakaitwa nemari inosvika 53 miriyoni paunzi mugore ra2017 uye akatanga achipisa kuEmirates.

Zvisinei, matambiro aLacazette akazodzikisirwa nekuuya kwaAubameyang munaNdira uye kutangisa vatambi vaviri ava kwange kuri kunetsa zvikuru kuvatambisa pamwe chete.

Asi chizvarwa chekuGabon ichi – Aubameyang – anoti anofunga kuti vanogona kutamba vese vakanetsa, hunge vasarudzwa naEmery muchikwata chake uye ndokutaura kuti anogona kusuduruka pachinzvimbo chake chaanofarira kutamba kuti Lacazette apinde muchikwata vatambe vese.

“Tinotamba tese zvakanaka uye tinowirirana,” Aubameyang akaudza ESPN. “Pane kamoto kanobaka kana tiri kutamba tese tiri munhandare.

“Tinotsvagana, takazviona nemusi weSvondo apo takatamba neCity paakapinda. Handina basa nazvo kutamba chinzvimbo asi hunge Laca akapinda otamba pachinzvimbo changu. Chatinoda chete kubatsira chikwata chedu chibudirire.” — Sportsmail Football

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *