Zvikoro zvovandudzwa: ‘Tiri kutanga neMash East: Utete-Masango

Daphne Machiri

HURUMENDE — kuburikidza nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari — yakatanga chirongwa chekuvandudza zvikoro nedonzvo rekuti vana vafundire pakafaranuka uye kuti vadzidzisi vange vakasununguka pabasa ravo.

Munyori mukuru mubazi iri, Dr Sylvia Utete-Masango, vanoti kuvandudzwa kwezvikoro uku kunotevera chirongwa chakaparurwa neHurumende muzvikoro zvose nguva pfupi yadarika chekuongorora mamiriro akaita zvivakwa, cheInfrastructure Audit.

“Hurumende ine donzvo rekuti zvikoro zvose munyika zvive nechimiro chakanaka, kunyanya dzimba dzekudzidzira, kuwanikwa kwemabhuku ekuverenga akakwana — evana zvose neevadzidzisi,” vanodaro.

Vanoti pasi pechirongwa ichi, vachatanga nekuvandudza zvikoro zviri kuMashonaland East sezvo zvimwe zvacho zviine midhuri isina kukodzera kuti vana vadzidziremo. “Tichatanga nepurovhinzi yeMashonaland East uye chimwe chezvikoro zvatichatanga nazvo iMuteveri Primary School,” vanodaro Dr Utete-Masango.

Vanoti Hurumende yakaita chirongwa chekuongorora zvivakwa nechinangwa chekuti izive mamiriro akaita zvivakwa muzvikoro zviri kumativi ose eZimbabwe.

“Apa ndipo patakaona kuti purovhinzi iyi ndiyo inoda kutangwa kuvandudzwa zvikoro nekukasika chinove chirongwa chichazotekeshera nenyika yose,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tichitarisa chikoro cheMuteveri Primary School, chinotoda rubatsiro nekukasika. Takaona kuti dzimba dzokudzidzira hadzisisina kutsarukana kuti vana vange vachidzidza imomo. Dzimwe dzacho dzinogona kudonhera vana, nekudaro izvi tiri kuzvigadzirisa nekukasika.”

Vanoti zvakare kune zvimwe zvikoro zviri kuvandudzwa nerubatsiro rwehomwe yeOPEC Fund for International Development (OFID) zvakadai seMakumimavi Primary School iri kuChivhu.

“Pasi pechirongwa ichi, tichaita zvakasiyana zvinosanganisira kuvaka dzimba dzekuverengera, dzimba dzevadzidzisi nezvimbuzi zvekuti kana dai vana vakaremara mitezo vanokwanisawo kushandisa.

“Tinoda zvakare kuvakisa dzimba dzeEarly Childhood Development (ECD) idzo dzakatikoshera nekuti ndiko kwekutanga kunorodzwa pfungwa dzevana kuti vazive kuti chinonzi bhuku chii uye kukosha kwedzidzo,” vanodaro.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×