Akapondwa mutumbi ndokupiswa
Kingstone Mapupu MURUME ane makore 81 okuberekwa wekuZvishavane – uyo aive nebarika remadzimai maviri – anonzi akashaikwa pamusha pake kwezuva rimwe chete, mutumbi wake ndokuzowanikwa musango reko wakapiswa kubva muchiuno…
Lockdown yenzvimbo inobatsira: Mangwiro
Mukudzei Chingwere ZVIRONGWA zvekurwisa chirwere cheCovid-19 zvemunzvimbo kana kuti munharaunda (localised lockdown) sechiri kuitwa kuKwekwe, zvakakosha kuti denda iri risapararire kune mamwe matunhu izvo zvinozoitawo kuti ritekeshere nenyika yose. Hurumende…
‘Covid ichiripo pakati pedu’
Kingstone Mapupu MUMIRIRI weMhondoro-Mubaira mudare reNational Assembly, Cde Freddy Kapuya, vanokurudzira veruzhinji kuti vasavarairwe panyaya yekutevedzera mitemo yekudzivirira kupararira kweCovid-19. Vachitaura panyaradzo yaMambo Nyamweda – VaClaudious Mandaza – vekuMhondoro avo…
Vabaiwa jekiseni reCovid vowanda
Tandayi Motsi MAJEKISENI ekudzivirira Covid-19 anodarika 1 miriyoni kusvika pari zvino abaiwa kuvanhu muZimbabwe rinova danho guru apo nyika ino iri kushingairira kuti vakawanda vabaiwe nhomba yechirwere ichi nedonzvo rekuti…
Mushonga wavepo
Thandeka Moyo-Ndlovu VAGARI vekuBulawayo iye zvino vave kukwanisa kuenderera mberi nekubaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzivirira chirwere cheCovid-19 zvichitevera kusvika kwakaita mamwe majekiseni 5 400 emushonga weSinopharm vaccine. Majekiseni ekutanga…
‘Majekiseni eCovid anobaiwa nenguva’
Tandayi Motsi MUTEVEDZERI wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro, vanoti majekiseni ari kubaiwa vanhu ekudzivirira Covid-19 echipiri (2nd dose) ane nguva yakatarwa kuti abaiwe mushure mekubaiwa kwerekutanga (1st dose)…
Mhirizhonga inowanda munguva yelockdown
Muchaneta Chimuka SANGANO reTrocaire – rakabatana nemamwe anosanganisira reMusasa Project, vabati vemitemo pamwe nenhengo dzedare reParamende – nemusi weChina vakaparura bhuku riri pamusoro pematambudziko ari kusanganikwa nawo nevanhukadzi munguva ino…
Mbavha yakachipiswa naamai vane mwana kumusana
Abel Zhakata ari kwaMUTARE MUDZIMAI ane makore 23 okuberekwa anogara mumusha weSakubva, kwaMutare, uyo aive akabereka mwana kumusana, anonzi akarwisana nembavha yaida kumubira handbag rake zvikazoita kuti tsotsi iri ritize…
Akazvambaradza mudzimai abika ‘soya chunks’
Danisa Masuku MURUME anogara mumusha wePumula South, kuBulawayo, akazvuzvurudzirwa kudare nemudzimai wake mushure mekunge amurova kunge nyoka yapinda mumba apo akasvika kumba ndokumuwana achibika masoya chunks ekudyisa nesadza uye ndokuramba…
Covid itsva yadzivirirwa
Mukudzei Chingwere MHANDO itsva yechirwere cheCovid-19 inodaidzwa nekuti B.1. 617 – iyo yakatangira kunyika yeIndia uye inopararira nekukasika zvekare yakanyuka kuKwekwe – yakwanisa kudzivirirwa kuti isarambe ichipararira sezvo pasina vamwe…










