Pfumvudza yatiyambutsa: ZFU
Kingstone Mapupu SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinoti chirongwa chePfumvudza icho chakaitwa neHurumende apo varimi vakapihwa zvekushandisa zvinosanganisira mbeu nemafetireza pachena, chabudirira zvikuru izvo zviri kuona Zimbabwe ichidzokera pachidanho chayo…
Kwauya zvidzidzo zvepaterevhizheni
Mashudu Netsianda BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari, rakabatana nesangano reUNICEF, rakatanga chirongwa chekuti vana vakwanise kufunda kuburikidza neterevhizheni senzira yekudzoreredza nguva refu yavakarasikirwa nayo vasingadzidze zvichitevera kuvharwa kwakamboitwa zvikoro nechinangwa chekumisa…
‘Ndine chikomba mufudzi wemombe’ ‘. . . kungoti murume wangu anonzwisisa’
Tendai Gukutikwa KANA tichitarisa nyaya dzekurwadziswa kuburikidza nekunyengedzwa, vanhu vazhinji vanokundikana kududza mashoko avo. Inyaya inonetsa kukanganwa. Semunyaya yemurume wekuNyanga, Martin Kanyanani, wemubhuku raMuzika, kwaMambo Saunyama, akarwadziswa zvikuru neshamwari yake…
Mbavha yakakotsira payakabira
Gibson Mhaka MBAVHA yemandiriri yekunzvimbo yeNkwalini Line, kuSipepa, mudunhu reTsholotsho inonzi yakakotsira ndokutanga kushona ngonono mumba mayainge yaba mushure mekunge yadya poto mbiri dzaive nechikafu. Aka kange kave kechipiri mbavha…
Votyora mitemo yeCovid pasowe
Kingstone Mapupu PANGUVA iyo Hurumende iri kukurudzira kuti kuungana munzvimbo dzakaita sekumachechi kusava nevanhu vanodarika 50 nechinangwa chekuedza kumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19, kune vamwe vasiri kutevedzera mutemo uyu vasiri kupfeka…
Mwana wechikoro akabaya mumwe nebanga
Danisa Masuku MWANA wechikoro ari kuita Fomu 4 paLobengula High School, kuBulawayo, svondo rapera akabaya mumwe mwana waanodzidza naye nebanga pabendekete achimupomera mhosva yekuti anogara achiita zvejee naye apo vanenge…
Musatore zvinodhaka: Mosquito
Kingstone Mapupu ALFONSO “Mosquito” Zvenyika (45), uyo aimbove shasha yemutambo wetsiva, anoti zvakakosha kuti vechidiki vatore mukana wekuwana kwakaita nyika ini kuzvitonga kuzere nekusimudzira matarenda avo pane kutora zvinodhaka izvo…
George Shaya ari kurwara
Abel Ndooka SHASHA yakambonetsa munhabvu – George ‘Mastermind’ Shaya (77) – anonzi ari kusimbirwa nemuviri ari kumba kwake mumusha weGlen Norah, muguta reHarare. Mastermind, sezita rake remadunhurirwa, akaita mukurumbira achitambira…
US$75 miriyoni yekurwisa Covid
Tandayi Motsi ZIMBABWE yakapihwa US$75 miriyoni yekubatsira kurwisa chirwere cheCovid-19 kubva kuhomwe yeGoblal Fund uye mari iyi ichashandiswa kwemakore matatu anotevera. Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri svondo rino mushure memusangano…
Vanhukadzi vosimudzirwa
Abel Ndooka VANHUKADZI kubva kumatunhu ose enyika vari kusimudzirwa mumabhindauko anosanganisira kuhodha zvinhu kunze vachitengesa uye nekupfuya huku kuburikidza nechirongwa chiri kutsigirwa nemumwe muzvinhabhizimisi wechidzimai anove chizvarwa chemuZimbabwe uyu pari…











