Yambiro kune vemabhawa

Muchaneta Chimuka MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kuyambira vemabhizimisi emabhawa nema’restaurant’ avo vari kuvhura zvechitsotsi kuti kuita kwakadai imhosva sezvo kuri kutyora mitemo yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19. Mutauriri wemapurusa…

‘ZveCovid zvinoda mushandirapamwe’

Muchaneta Chimuka GURUKOTA rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, Ambassador Cain Mathema, vanokurudzira vabereki uye vachengeti vevana kuti vashande pamwe nevakuru vezvikoro panyaya yekurwisa chirwere cheCovid-19. “Tinokurudzira vabereki kuti vazivise vakuru vezvikoro kana…

. . . vatatu vakafa

Tandayi Motsi VANHU vatatu vakafa neCovid-19 nemusi weMuvhuro svondo rino izvo zvabva zvaita kuti huwandu hwevashaya nechirwere ichi muZimbabwe husvike pa1 560 kubvira pakanyuka denda iri muno gore rapera. Izvi…

Ndapona, handicharwara: Kapfupi

Kingstone Mapupu MUIMBI anove zvakare shasha yemitambo yemadhirama – Freddy “Kapfupi” Manjalima – uyo svondo rapera aiiti airwara nemudumbu, anoti ave kunzwa zvakanaka. Svondo rapera Kapfupi akaudza Kwayedza kuti ainetsekana…

‘Tisazokanganwa kuti AIDS ichiriko’

Conrad Mupesa HONDO yekurwisa chirwere cheCovid-19 muZimbabwe nepasi rose haifanirwe kuona denda reAIDS – iro richiri kutora upenyu hwevanhu vakawanda – richishairwa hanya naro uye masangano enhau anofanirwa kusimbaradza kuburitswa…

Machechi amiswa kushandisa zvikoro

Patrick Chitumba VEMACHECHI avo vagara vachishandisa zvikoro senzvimbo dzekunamatira havachatenderwa kuita izvi. Hurumende yatora danho iri senzira yekusimbaradza nyaya dzekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 muzvikoro. Hurumende inoti vemachechi vari kubhadhara rendi…

Mbavha 7 dzabatwa . . . mombe 46 dzawanikwa

Muchaneta Chimuka MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) akasunga vanhu vanomwe nemhosva dzekuba mombe 46 kuBikita nekuNdali, kuChiredzi mudunhu reMasvingo. Mombe idzi dzose dzakawanikwa. Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi,…

‘Tabatikana nekupondwa kwevana’

Kingstone Mapupu SANGANO rinobatsira vana vanobva kumhuri dzinoshaya nekuvatsigira mudzidzo yavo, reCreating Better Futures (CBF), rinoti riri kushushikana zvikuru nekupondwa kuri kuitwa vana munyika muno. Izvi zvinotevera kupondwa kwakaitwa vana…

Matsime aoma kuRushinga

Kingstone Mapupu VAGARI vekwaMambo Rusambo, kuRushinga, vanoti vane dambudziko guru rekushaya mvura yakachena zvekuti vave kutorarama neyekuchera mumifuku munzizi. Kuwanikwa kwemvura yakachena kwakakosha zvikuru muraramo yevanhu sezvo kuchibatsira kudzivirira kunyuka…

Kuchembera hakuzi kuroya: HelpAge

Kingstone Mapupu SANGANO rinomirira vanhu vakwegura reHelpAge Zimbabwe (HAZ) rinoti riri kushushikana zvikuru nekuda kwekupondwa kwevakwegura munyika vachipomerwa huroyi kunyanya munguva ino yechirwere cheCovid-19. Mai Priscilla Gavi vanova executive director…

×
×