B and P younganidza mari

CHIKORO cheB & P Study Centre, icho chiri kwaSeke, nemusi weMugovera wadarika chakaita dopiro revaimbi vane mukurumbira nedozvo rekuunganidza mari yemabasa anosanganisira kuvandudza zvivakwa.

Vaimbi vaive pachiitiko ichi vanosanganisira Suluman Chimbetu, Tocky Vibes, Pastor Charles Charamba nemudzimai wavo Mai Olivia Charamba.

Anoona nezvekufambiswa kwemabasa pachikoro ichi, VaElias Mhandu, vanotenda zvikuru rutsigiro rwavakapihwa nevabereki uye vaimbi izvo zvakaita kuti vawane chimwe chechikamu chemari yevari kutsvaga.

“Tinofara zvikuru nekuti takawanisa mari yekuvaka horo yechikoro. Sezvamunoziva kuti tiri kuvaka bhodhingi, saka horo iyi ichashandiswa kudyirwa nevana uye vabereki vari munharaunda vanogona kuuya vachiita mitambo yakasiyana semabiko, michato kana kunamatira zvichibatsira chikoro,” vanodaro.

B and P Study Centre ine zvimwe zvikoro zvinosanganisira puraimari iri kuChitungwiza nesekondari iri kuNew Zengeza 4.

Mukuru wechikoro chekwaSeke, VaGodwin Mavurayi, vanoti vane shungu dzekuti chinge chichisimukira zvichifambirana nechirongwa cheHurumende chekuvandudza upfumi hwenyika, cheZim-Asset.

“Dingindira redu rine donzvo rinocherechedza zvirongwa zveZim-Asset kuti tive vanhu vasingangomiriri kupemha asi vanozvishandira. Chinangwa chedu ndechekusimudzira chikoro. Dingindira redu rinoti, ‘Chidhinha chako, chidhinha changu. Kana tikabatana tinovaka mudhuri’,” vanodaro.

 

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *