‘Baba munoda kuti ndirambwe’

Courtney Munodawafa

MWANASIKANA akazvuzvurudzira baba vake kudare achiti vari kuda kuparadza wanano yake vachimupomera kuti ndiye akaita kuti varambane naamai vake.

Memory Sanyamandwe akamhan’arira Clemont Kwangwari kuHarare Civil Court.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Sanyamandwe chikumbiro chake.

Sanyamandwe anoti ari kuoneswa ndondo nababa vake vekumubereka.

“Ava ndibaba vangu nyakundibereka, asi vandishungurudza. Vanonditi ndakaparadza muchato wavo saka vanofanira kuparadzawo muchato wangu.

“Vanoti ndini ndakaperekedza amai kuMsasa Project asi handizvo, amai vakazviendera voga. Ndakatozoita zvekunzwa kuti ndizvo zvavapo,” anodaro Sanyamandwe.

Anoti baba vake vanomutumira mashoko panhare vachimutyisidzira.

“Baba vanonditumira mameseji vachiti vanoda kuparadza upenyu hwangu. Vanotumirawo murume wangu nekuhama dzake vachitaura zvakaipa pamusoro pangu,” anodaro.

Sanyamandwe anoenderera mberi: “Baba vanoita basa rekunyora maanonymous letters kumapurisa vachiti ndiri kuita zvisiri pamutemo. Vanonyora futi tsamba kubasa kwemurume wangu vachiti anoba mari ikoko. Izvi zviri kukanganisa murume wangu kubasa izvo zvave kuita kuti imba yangu ikanganisikewo.

“Vanouya kumba kwangu vachiti kusvikira amai vadzoka, handimbowane mufaro.”

Kwangwari anoti Sanyamandwe ari kutaura mashoko ekunyepa uye haazi mwana wake.

“Uyu haasi mwana wangu, mupei gwaro hake. Dai ari mwana wangu haaimbondinyepera zvakadai kana kundiunza kudare,” anodaro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *