‘Muroora siya zvemushabhini’

Milcah Nhakura
VAMWENE vakazomhan’arira muroora wavo kudare vachiti haagone kuchengeta mwana wake zvakanaka uye akambomutiza akamusiya ari pamugodhi uzere mvura achienda kunyika yeSouth Africa.

Rosemary Tsoko akamhan’arira muroora wake Christine Makavanga kuHarare Civil Court achikumbira gwaro rinomudzivirira.

“Pamusoroi changamire, chikumbiro changu kudare ndechekuti muroora wangu achengete mwana wake zvakanaka. Takagara tose kubvira 2014 apo akazvara mwana mukomana uyu. Iye nemwana wangu vanhu vaida zvekugara vachirovana zvekuti mwana vaisambova nebasa naye zvekuti ndini ndaimuitira pazvose.

“Muroora wangu uyu akazotiza mwana aine makore maviri okuberekwa ndokuenda kuSouth Africa achimusiya pamugodhi handizive kuti aida kuuraya mwana here,” anodaro.

Tsoko anoenderera mberi achiti, “She is very reckless, aindifonera ari kuSouth Africa achiti nditumire mwana pabhazi, ndimupe kuna dhiraivha apa mwana wacho haana pasipoti. Pari zvino haana pekugara pakanyatsonaka zvekuti mwana angagare, anotogara pashabhini uye handingade kuti mwana akurire pakadaro.

“Pari zvino mwana ari kuchengetwa neveChildren’s Welfare nekuti mai vacho vakanga vomubvuta kwandiri.”

Makavanga anopokana nemashoko aTsoko achiti vamwene vake vanoramba kuti aone mwana wake.

“Vanoramba kuti ndione mwana wangu, ndinokwanisa kuchengeta mwana. Nyangwe vakapihwa gwaro handina basa nazvo, chandinoda mwana wangu.”

Mutongi Tafadzwa Miti akarasa chikumbiro chaTsoko achiti anofaira kuenda kudare rinoona nezvekuchengetwa kwevana.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×