Baba vanoratidza vana mavhidhiyo ezvinyadzi

Janet Chikotosa
VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe mukadzi akati murume wake anoona mavhidhiyo ezvinyadzi vana vavo varipo.

Beauty Maguse akataura mashoko aya muHarare Civil Court apo akamhan’arira Muchatinyi Marise kudare iri.

“Handizive kuti baba ava vachachinja hunhu kana zvaita sei. Murume wangu uyu andishungurudza nekundishaisa hope kana adhakwa nekuputa mbanje.

‘‘Anouya kumba pakati pehusiku tarara osvikondimutsa pamwe chete nevana. Vana vanenge vachida kumuka kuenda kuchikoro kuseni iye haana kana hanya nazvo.

“Kana akamutsa vana kudaro anobatidza terevhizheni otanga kuona mifananidzo yevanhu vanenge vasina kusimira vachiita zvebonde.

‘‘Vana vanodzidzei pakadaro changamire wangu kana baba vachitanga kuita zvakadai?” akadaro.

Maguse akati Marise haabvire zvakare mumarokwe.

“Akangodhakwa chete anotanga kufunga zvevakadzi. Kutaura kudai akanhumburisa mwana wemuridzi wemba patinoroja uyo anga asati abva zera. Ndiri kunyara zvikuru matinogara nehunhu hwakadai.

“Haachengete mhuri asi anongofunga zvedoro nembanje. Ndikati ndishandire vana vangu, anoba mari yacho onodya neshamwarikadzi dzake,” akadaro.

Marise akaramba mashoko ekuti anorova vana nekuvaratidza mavhidhiyo ezvinyadzi.

“Ndinopikisana nemashoko ari kutaurwa nemudzimai wangu ekuti ndinorova vana uye kuvaratidza vanhu vari kuita zvebonde vasina kusimira.

‘‘Mukadzi wangu ndiye wandakamborova tatadza kunzwisisana pane imwe nyaya,” akadaro Marise.

Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa Maguse gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *