Sekuru (86) murambatsvina l Harahwa inoita kunge ndiyo kanzuru l Inochenesa muMbare pasina muripo

HARAHWA ine makore 86 okuberekwa yemumusha weMbare, muHarare, iri kurumbidzwa neveruzhinji nekuda kwebasa rairi kuita rekuchenesa mumwe muzinda unotandarira veruzhinji munzvimbo iyi.

Kwayedza svondo rapera yakashanyira musharukwa uyu, Sekuru Samuel Kuchera, vanogara panhamba 3 Chitiyo Street, ndokuita hurukuro navo pamusoro pekushambidza kwavari kuita paMarowa.

Sekuru Kuchera vakagadzira bindu rine maruva panzvimbo yekuzororera pazvitoro izvi izvo zviri kuyevedza kana vanhu vanodarika nepo vachitombokanganwa kuti vari muMbare kana zvichienzaniswa nedzimwe nharaunda dziri mumusha unogara veruzhinji uyu.

“Ini ndakangokura ndiri munhu ane shungu dzekuona kuti nharaunda yandinogara yakashambidzika zvekuti chero mukapinda mumba mangu munopa kutenda, kana nhunzi chaiyo inonyara.

“Ndakagadzira nzvimbo iyi iri pedyo nepamba pangu zvisinei nekuti zvitoro zvacho hazvisi zvangu asi kungoti ndinoda kuona nzvimbo dzichingoyevedza.

“Ndakaona kuti vanhu vazhinji muno vanongoti ngatimirirei kanzuru iuye iite basa. Kwete, basa nderedu isu vagari venzvimbo nekuti dzimwe dzenguva kanzuru inosangana nezvinoinetsa,” vanodaro.

Sekuru Kuchera vanoti vave nemakore 25 vachigadzurudza nzvimbo iyi vachiita mabasa akadai sekudimburira sora, kudyara maruva nekuadiridzira, kusuka zvimbuzi zveveruzhinji pamwe nekutsvaira marara.

“Vamwe vaindiona ndichiita izvi vakatanga vachiseka vachiti zvine mari here izvi? Asi iko zvino vamwe vave kuzvifarira. Ndinorwadziwa nevamwe vari kungouya vachitovhura zvimakandini zvekubikira masadza avo asi vasingashambidze nzvimbo dzacho dzavari kuitira mabhizimusi,” vanodaro.

Basa rekuchenesa guta, vanodaro Sekuru Kuchera, rinoda mushandirapamwe wemunhu wose kwete kuti munhu mumwe chete munharaunda ave nepfungwa idzodzo.

“Vanhu vakawanda vanoti vakaona kuti kanzuru haina kuuya kuzotakura marara, vanonoarasira pakati pedhorobha kana pezvitoro. Pano vekanzuru vanongouyawo zvavo kuzotakura marara asi tinenge tatotsvaira kusanganisira mumugwagwa chaimo.”

Vanoti pavanoona pombi dzemvura dzichiputika vanogadzirisa pane kumirira vashandi vekanzuru.

“Pane pombi yemvura yakaputika muno ikatora makore mazhinji isina kugadzirwa asi ndakaona zvakakosha kuti ndigadzire mugero kuti vanhu vashandise mvura iyoyo munyanya dzemadiridziro pane kuti ingorasika zvayo,” vanodaro Sekuru Kuchera.

Vanoti basa iri vari kuriita pachena uye vanoda kuve mucherechedzo wakanaka kune vechidiki munharaunda iyi kuitira kuti vatevere matsimba avo. Sekuru Kuchera vanoti vakamboshanda mukanzuru yeHarare kwemakore akawanda vachiita mabasa ekugadzira migwagwa vakazoenda kumudyandigere mugore ra1993 panove pavakatangisa mabasa ekugadzira nzvimbo iyi kuti igare yakatsvinda. Mumwe mugari wemunharaunda iyi, VaRonald Mwajira (47), vanoti vanoyemura mabasa ari kuitwa naSekuru Kuchera.

“Isu takakurira muno, taingoona sekuru ava vachigadzira muzinda uyu saka takambofunga kuti mushandi wekanzuru asi nekuona zera, takati regai tibvunze. Takadzidza kuti vaingovewo munhu akazvipira mukubatsira. Dzimwe dzenguva tinovabatsirawo nemagambutsu, mafoshoro nezvimwe zvekushandisa.

“Zvakare ndiyo nzvimbo yatinotandarira tichinwa zvedu doro. Kudai vekanzuru vabatsirawo sekuru ava nemari kana kudya kana kutoti varegedze kubhadhariswa mitero yemvura nekuti vari kubatsira zvikuru,” vanodaro.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, havana kubatika panhare dzavo kuti vape mafungiro avo pamusoro penyaya ino.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×